Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hurumende Haina Mari Yekupa Vashandi Vayo


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezveupfumi, hurumende haikwanisi kuwedzera mari dzevashandi vayo. VaBiti vanoti hurumende haina mari yakawanda iri kupinda muhomwe mayo, izvo zviri kupa kuti iomerwe.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChipiri, VaBiti vakati kana mafambisirwo emari dziri kuwanikwa kubva mukutengeswa kwemangoda ava kuitwa zviri pachena, uye kana nyaya yevashandi vanonzi vari pamabasa ivo vasiri, yagadziriswa, zvinogona kuti hurumende iwane mukana wekuwedzera mihoro yevashandi.

VaBiti vakati hurumende yakawana mari inoita $657 million mumwedzi mitatu yekutanga kwegore, asi pamari iyi, $250 million yakaperera kumari dzevashandi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro.

Mashoko aVaBiti aya anouya apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakavimbisa vashandi vehurumende kuti mari dzavo dzemihoro dzichazotariswa muna Chikumi. VaMugabe vakataura mashoko aya kutanga kwemwedzi uno apo vakasangana nevamiriri vemasangano anomirira vashandi vehurumende.

VaBiti vakatiwo havaoni nyika ichikwanisa kuita sarudzo gore rino sezvo hurumende isina mari inoita mamiriyoni mazana mana emadhaora iri kudiwa nesangano reZimbabwe Electoral Commission kuti rikwanise kuita sarudzo.

Vakatiwo chimwe chiri kunyanya kudya mari zvisina maturo, inzendo dzekunze dziri kuitwa nevari muhurumende yemubatanidzwa.

Sachigaro wesangano revashandi vehurumende, reApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti havatsukunyutswi nemashoko aVaBiti ekuti hurumende haina mari, sezvo vakanga vasingataure kwavari pavakataura mashoko aya.

Amai Chikowore vanotiwo vachakamira nemashoko avakavimbiswa naVaMugabe ekuti hurumende ichaona zvaichaita nemari dzevashandi vayo mwedzi unouya.

XS
SM
MD
LG