Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoparura Hurongwa hweMari hweGore Rinouya


Hurumende inoti ine hurongwa hwekushandisa mari inosvika mabhiriyoni mana emadhora. Pamari iyi, mamiriyoni mazana matanhatu emadhora anonzi achabva mukutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

Izvi zvataurwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, apo vange vachitura muparamende bhajeti regore rinouya.

VaBiti vati hupfumi hwenyika hunotarisirwa kukura nezvikamu zvipfumbamwe nechidimbu kubva muzana, uye nyaya dzekurima nezvicherwa ndizvo zvichaita kuti hupfumi hubudirire.

VaBiti vazivisawo kuti huwandu hwezvinhu zviri kutengeswa kunze neZimbabwe huchakwira kubva pamabhiriyoni mana nemazana mana ezviuru zvemadhora, kusvika pamabhiriyoni mashanu nezana rezviuru zvemadhora. Vati zvinhu zviri kutengeswa kunze kwenyika ifodya, platinum, goridhe nemangoda.

Vati zvizhinji zvezvinhu izvi zviri kuenda kuSouth Africa, China ne United Arab Emirates. Asi vati nyika dziri pamusoro pakudyidzana neZimbabwe iSouth Africa, United States, Kuwait, China Botswana neZambia.

VaBiti vati zvichetevera kupihwa mvumo yekutengsa mangoda kwakaitwa Zimbabwe neveKimberley Process nguva shoma yapfuura, pane tarisiro huru munyika yekuti mari ichabva mukutengeswa kwemangoda aya ichasimudzira
hupenyu hweveruzhinji.

VaBiti vatiwo pakuronga bhajeti ravo vakatarisa zvisungo zvakawanda zvakasainwa neZimbabwe zvinosungira kuti bhajeti ripe mari yakawanda kudzidzo, nyaya dzekurima, hutano pamwe nemabasa ekuwanisa vanhu mvura yakachena.

Va Biti vati chinangwa chebhajeti ravo ndechekusimudzira vechidiki pamwe nekutsvagira vanhu mabasa.

VaBiti vaisawo parutivi mari yekusimudzira makambani ari kunze kweHarare.

Vazivisawo kuti vaisa parutivi mamiriyoni makumi maviri nemaviri emadhora yekuverengwa kwevanhu gore rinouuya kana kuti census. Vatiwo pane mari yereferendamu yakaiswa parutivi asi havana kutaura kuti mari iyi yakwanda sei.

Zvichakadai, VaBiti vawedzera mari inotambirwa nevanhu vasingabvisiswe mutero.

Vatiwo kunyange hazvo makambani emuno akambowedzera mutengo wehupfu nemafuta apo vakaisa mutero pazvinhu izvi, varega mitero iyi iripo vachiti makambani emuno ave kugaya hupfu hwakawanda.

VaBiti havana kutaura kuti mari dzevashandi vehurumende dzichawedzerwa here kana kuti kwete.

Vati kuti hurongwa hwavo hushande zvinoda kubatana uye nyika haigoni kubudirira kana pakaramba paine kupokana pakati pemapato ari muhurumende yemushandira pamwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, avo vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, vanoti Zimbabwe ine mukana wekuti hupfumi hwayo hukwire kana ikabata zvakanaka nyaya dzemizviwanikwa, kurima nedzimwe.

XS
SM
MD
LG