Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanochema Nezvirango Zvehupfumi Zvakatemerwa Makambani e Mangoda


VaBiti vanoti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa makambani ari kuchera mangoda kwa Marange e Mbada ne Canadile zvichakanganisa hurongwa hwavo hwemashandirwo emari mugore ra 2012 sezvo vanga vachitarisira mari zhinji kumutsa hupfumi hwenyika kubva kune makambani aya.

Gurukota rezvemari, va Tendai Biti, vakanyora tsamba yakasimba kuhurumende ye America vachipopota pamusoro pezvirango zvehupfumi zvakatemerwa makambani ari kuchera mangoda kwa Marange e Mbada ne Canadile vachiti izvi zvichakanganisa hurongwa hwavo hwemashandirwo emari mugore ra 2012 sezvo vanga vachitarisira mari zhinji kumutsa hupfumi hwenyika kubva kune makambani aya.

Makambani aya akatemerwa zvirango nekuti ari kushanda ne Zimbabwe Mining Development Corporation iyo iri pasi pezvirango zve America.

Va Biti vanobvuma mutsamba iyi kuti mangoda e Zimbabwe anga achitengeswa zvisiri pamutemo asi vanoti zvese izvi zvanga zvagadzirisika nekuti Zimbabwe yainga yapihwa mvumo yekutengesa mangoda aya ne Kimberley Process uye America senyika ichitsigirawo chisungo ichi. Naizvo va Biti vanoti kutengeswa kwemangoda aya kunenge kwava pachena.

Va Goodson Nguni mukuru we masangano akazvimirira ega asi vakarerekera ku Zanu-PF vanoti tsamba yava Biti inobuditsa pachena kuti Zimbabwe yanga yakatemerwe zvirango.

Va Pedzisai Ruhanya nyanzvi mune zvematongerwe enyika vanoti tsamba yava Biti ine musoro nekuti zvirangozveupfumi zvakatemerwa nyika zvinofanirwa kubviswa kwete zvakatemerwa vanhuwo zvawo.

XS
SM
MD
LG