Accessibility links

Breaking News

VaBiti naVaGono Voedza Kumisa VaKasukuwere Kupinda Mumabhanga


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, VaGideon Gono, vari kutarisirwa kuita musangano zvakare negurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, kuti vataure nezvemamiriro akaita zvinhu mumabhanga.

Vaviri ava vari kusangana naVaKasukuwere sezvo vari ivo vanoona nezvechiorongwa chekuendesa hupfumi kuvatema icho chava kupa kuti pave nekugeda geda kwemeno mumabhanga.

VaGono vari kutarisirwa neChina kusuma zviri pamutemo VaBiti uye bhodhi reRBZ nezvekuvharwa kwemabhanga anoti reGenesis neInterfin.

Vakuru muRBZ vasina kuda kudomwa nemazita avo sezvo vasingabvumidzwe kutaura nevatori venhau vanoti VaKasukuwere vange vaine zvikamu zvakati wandei mubhanga reGenesis riri kuvharwa iri. Vatiwo zvinoshamisa kuti VaKasukuwere vari kuda kuti mamwe mabhanga atorwe ivo mbune vari kukundikana.

Asi VaKasukuwere vaudza Studio7 kuti vakatengesa kare zvikamu zvavaiva nazvo mubhanga reGenesis.

Mumabhanga makumi maviri nematanhatu ari munyika, mana chete anoti Barclays, Stanbic, Standard nerimwe ndiwo evanhu vanganzi vekunze.

VaBiti vaudza Studio7 kuti nyaya yaVaKasukuwere yekungoda kukumba zvikamu zvakawanda mumabhanga vachiisa mumaoko evatema inogona kuguma yapinza nyika muna taisireva. VaBiti vanoti nyaya dzemabhanga dzinofanirwa kubatwa nehungwaru.

Vatiwo zviri pachena kuti mumabhanga vatema ndivo vatori nemabhanga akawanda nekudaro kupedza nguva kuda kukanganisa mashandiro emabhanga mana eve kunze asara. VaBiti vati havasi kuzosiya chirongwa chaVaKasukuwere chichivhringa mashandiro emabhanga.

Asi VaKasukuwere vapika kuti hapana kudzokera kumashure pahurongwa uhu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti nenyaya yesarudzo iri kutaurwa kuti dzingangoitwe, zvinonetsa kuti VaBiti vamise VaKasukuwere sezvo Zanu PF iri kuda kuonekwa sebato riri kupa vatema hupfumi.

XS
SM
MD
LG