Accessibility links

Breaking News

VaBiden Votariswa Kuzeya Kuti Vowedzera Here Kana Kuti Kwete Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muZimbabwe


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwa chero nguva kuti vawedzere kana kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri wehurumede yeZimbabwe nemakambani avanodyidzana nawo.

Mutungamiri wenyika America, VaJoe Biden, vari kutarisirwa chero nguva kuti vawedzere kana kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri wehurumede yeZimbabwe nemakambani avanodyidzana nawo.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti zvirango izvi zvichawedzerwa sezvakangoitwa neBritain neEuropean Union nekuti hurumende yeZimbabwe hais ikuita zvayakakurudzirwa nehurumende yeAmerica zvekuvandudza mitemo, kumisa nyaya dzehuori, kugadzirisa nyaya yeminda nezvimwe.

Asi bato reZanu-PF rinoti riri kuita zvakawanda richipomera vanopikisa mhosva yekupesvedzera VaBiden kuti vavatemere zvirango.

Vanopikisa vanoti havanei nemuchato wedhongi nebere vachiti Zanu-PF ndiyo yega yakavimbisa kuvandudza zvinhu zvayave kukundikana kuita.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vanopikisa nevemasangano akazvimirira oga ndivo vari kurova bembera kuti hapana zviri kuvandudzwa kuitira kuti zvirango zvienderere mberi.

Asi gweta uye vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti nenyaya yekutonga nedemo, vatungamiri vehurumende vari kuzvisikira moto muziso.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG