Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vochema Chema neKukwidzwa kweMari yeZvikoro


Vabereki vakawanda vari kuchema chema nekuwedzerwa kwemari dzechikoro muMasvingo mushure mekunge hurumende yazvipa mvumo.

Asi vakuru vezvikoro izvi vanoti hapana chekuita sezvo zvinhu zvave kudhura.

Zvikoro zvizhinji munyika kunyanya zvemabhodhingï zvakakwidza zvakanyanya mari inobhadharwa pakotoro yega yega pakupera kwesvondo mushure mekuita misangano nevabereki vachivaudza mari itsva dzinonzi dzibhadharwe nechimbi chimbi.

Amai Entrance Takaedza, vane mwana anodzidza paZimuto High School, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nekukwidzwa kwemari yechikoro uku.

Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti hurumende yaifanira kuti vashandi vawedzerwe mari vasati vawedzera mari yechikoro sezvo vave kuomerwa nehupenyu.

Mashoko aya atsinhirwa naVaTichaona Chihwani vanoti havachazive pfumo rovobaya.

Asi vezvikoro vanoti vakakwidza mari yechikoro nekuti mitengo yezvinhu zvose munyika yakakwira.

Zvikoro zvizhinji zvakawedzera mari pakotoro imwe nezvikamu zviri pakati pemakumi matanhatu kusvika makumi masere kubva muzana.

Mabhodhingi mazhinji aibhadharisa mari dzinosvika mazana makumi manonwe kana masere zvinoreva kuti iye zvino vabereki vave kubhadhara mari inopfuura chiuru chemadhora.

Zvimwe zvikoro zvakaita seGokomere, Pamushana, St Antony nezvimwe zvakakwanda zvema bodhingi zvakawedzerawo mari musi weMugovera apo vabereki vakadeedzwa kumusangano vachishanyira vana vavo.

Mumwe mukuru wechimwe chikoro aramba kudomwa nezita ati bazi rezvedzidzo harivabvumiri kutaura nevatori venhau asi ati vakakwidza mari nekuti mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari yakapa kuti mitengo yezvinhu zvose munyika kunyanya chikafu iwedzerwewo zvakanyanya.

Vemabhodhing vanoti mari yakange yabhadharwa nevabereki pakuvhurwa kwezvikoro dzeyedhipoziti nekudaro vanofanira kuwedzera vakatadza vana vanodzingwa zvikoro.

Pachikoro cheZimuto panonzi pakaita bopoto pamusangano wekuwedzera mari apo vabereki vakarambira vakuru vechikoro vepo vachiti ivo havana kwavanowana mari yekuwedzera.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezve dzidzo munyika VaPaul Mavhima, kuti vatipe pfungwa dzavo pazvichemo zvevabereki

Zvimwe zvikoro zvakazvimiririra zvinopindwa nevana veshoroma zvinonzi zvakawedzerawo mari uye zvave kuda mari yekunze kunyanya madhora ekuAmerica.

MuMasvingo zvikoro zvakaita seRiverton ne Kyle College zvevana veshoroma zvave kubhadharisa mari inosvika zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica.

Zvimwe Zvikorowo zvisiri zve mabhodingi zviri kuwedzerawo mari uye zvimwe zvacho kakapetwa kaviri.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG