Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vakawanda Vogunun'una neKuwedzerwa Zvakanyanya kweMari yeChikoro


Vabereki vakawanda munyika vochema chema kuti zvikoro zvakakwidza zvakanyanya mari yedzidzo yekotoro inotevera vachiti izvi zvichakanganisa dzidzo yevamwe vana.

Kotoro yekutanga yegore rinouuya inotarisirwa kutanga musi wa10 Ndira asi vana vari kunyora bvunzo dzeOrdinary neAdvanced Level vanovhura chikoro svondo rinouuya.

Zvikoro zvakawanda zvikuru sei zvemaBoarding zvakatozivisa mari dzinofanira kubhadharwa vana vasati vatambirwa pachikoro.

Mari dzakanzi nezvikoro dzibhadharwe dziri pakati zviuru makumi matanhatu nemakumi mapfumbamwe ezviuru zvemaRTGS kana kudarika kana kuti RTGS 60 000 kusvika kana kudarika RTGS90 000 kubva pazviuru makumi mana nezvishanu kana zviuru makumi mashanu nezvishanu zvemaRTGS kana kuti kubva pa45 thousand kusvika kana kudarika RTGS55 000 kotoro yapfuura.

Amai Mercy Baureni avo vane mwana anodzidza pane chimwe chikoro kudunhu reMashonaland Central vaudza Studio 7 kuti mari yemwana wavo yakakwira zvakanyanya asi vakati hapana zvavangaita nekuti ndiyo yakabuda mumusangano wevabereki.

Mumwewo mubereki, VaCastro Muranda, vaudza Studio 7 kuti mari yemwana wavo yakakwidza zvakapetwa katatu uye vave kutomubvisa kuBoarding sezvo vasingakwanise kuwana mari iyi.

VaBenjamin Masese, mumwe mubereki vati hurumende inofanira kuona zvaingaiite panyaya dzemari yechikoro ichiti dzakwira zvakanyanya.

Mukuru werimwe remasangano anomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou vanoti zviri kuitwa izvi zvekukwidza mari yechikoro zvinoreva kuti vana vakawanda vachatadza kuenda kuchikoro sezvo mari dzevabereki vavo dzemihoro dzisina kukwira sekukwira kuri kuita mari yechikoro.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano rinomiira vabereki reNational Association of School Development Committees and Association, VaBanny Manokore, vanoti hapana chikoro chinokwidza mari chisina kutenderana nevabereki.

VaManokore vatiwo zvakakosha kuti vabereki vaende kumisangano inenge yakakokwa nevakuru vezvikoro nemakomiti avakasarudzo sezvo mumisangano iyi murimo munorongwa mabhajeti anozoendeswa kubazi redzidzo yepasi.

Munyori musangano rinomirira vakuru vezvikoro, reZimbabwe National Union of School Heads, VaManyaradzi Majoni vauudza Studio 7 kuti vanonzwa kuchema kwebereki asi vakati hapana zvavagaita sezvo mari yemuno iri kuramba ichishaya simba.

Vati zviri pachena kuti chave kudiwa munyika kutambirisa varairidzi nevashandi vese munyika nemadhora ekuAmerica kuti zvinhu zvigadzikane.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rinopa mvumo yekuti zvikoro zvikwidze mari kana zvichinge zvatenderna nevabereki uye izvi zvinoitwa pachitariswa chikoro chimwe nechimwe.

Zimbabwe ine zvikoro zvePrimary neSecondary zviuru zvipfumbamwe nemazana manomwe nemakumi manomwe nezvisere.

Kunyange hazvo zvinhu zviri kuomera vabereki, hurumende inoti ichabatsira miriyoni nemazana mashanu evana nemari yechikoro pasi pehomwe yeBasic Education Assistance Module kana kuti BEAM gore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG