Accessibility links

Breaking News

Hofisi yaVaTsvangirai Inoramba Kutambira Mashoko Anoti Vakaroora paChivanhu


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakanobvisa mari yekuroora pachivanhu neMuvhuro kumusha kuvabereki vetsvarakadenga yavo, Muzvare Locadia Karimatsenga Tembo.

Zviri kubuda mumapepanhau zvinoratidza kuti Va Tsvangirai vakabvisa mari inodarika makumi matatu ezviuru zvemadhora. Pamusoro pezvo, vanonzi vakabvisawo mombe gumi dzekuroora. Hurongwa hwekuroora pachivanhu hunonzi hwakaitirwa kuChriston Bank, uko kunogara vabereki vemukadzi.

Muzvare Tembo vanonzi vane makore makumi matatu nemapfumbamwe. VaTsvangirai vava nemakore makumi mashanu nemapfumbamwe.

Mudzimai waVaTsvangirai, Susan, akashaya mutsaona yemotokari muna 2009.

Mapepanhau e Daily News ne Herald anoti Va Tsvangirai vakaita zvinodiwa semukwasha pavakaroora.

Mukoma waMuzvare Locadia Tembo, Amai Beater Beatrice Nyamupinga, avo vanova nhengo yeZANU-PF, vanoti ichokwadi kuti munin’ina wavo akaroorwa pachivanhu.

Asi mutauriri waVaTsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, varamba kuti Va Tsvangirai vakaroora neMuvhuro vachiti kana VaTsvangirai vava kuroora, nyika yose ichaziviswa.

Vanoongorora zvematongerwe enyika uye vachiita zvidzidzo paWestminster University muLondon, Va Pedzisai Ruhanya, vanoti hazvina kunaka kuti hofisi yaVa Tsvangirai ivige chekwodi kuti VaTsvangirai vakaroora kana zviri kubuda mumapepanhau zviri zvechokwadi.

XS
SM
MD
LG