Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoparura Musangano weKuzeya Dambudziko reMvura muSADC


Mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti chinhu chinorwadza zvikuru kuti vanhu vazhinji kuchamhembe kwe Africa, kana kuti muouthern Africa, vari kutambudzika nekushaikwa kwemvura, asi nzizi dzakaita seZambezi dzichigara dzakazara nemvura isina ari kushandisa.

Va Tsvangirai vanoti nyika dzemu SADC dzinofanirwa kubatana kuitira kuti dzikwanise kushandisa mvura yemuna Zambezi. Va Tsvangirai vataura mashoko aya mu Bulawayo apo vaparura zviri pamutemo musangano wemakurokota ezvemvura mudunhu reSADC.

Mutauriri waVaTsvangirai, Va James Maridadi, vanoti mutungamiri wehurumende akurudzira vana mazvikokota kuti vaise misoro pamwe chete kuitira kuti wakwanisa kugadzirisa dambudziko remvura ratemesa vakawanda muSADC.

Musangano uyu unoitwa apo guta reBulawayo rakatarisana nedambudziko remvura. Mamwe madhamu anoshandiswa neguta iri anonzi ane mvura yadzikira zvikuru, zvokuti mishina inoshandiswa pakutora mvura iyi mumadhamu aya, haisi kushandiswa nepamusana pekudzikira kwaita mvura mumadhamu aya.

XS
SM
MD
LG