Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanopedza Rwendo Rwavo kuAmerica


Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakadzokera kuZimbabwe neChitatu mushure mekushanyira America kwemazuva matatu.

Pavaiva muWashington DC VaTsvangirai vakasangana negurukota reAmerica rinoona nezve kunze kwenyika iyi, Amai Hillary Clinton, pamwe nenhengo dzedare reparamende vachikurukura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Amai Clinton vakakurukura naVaTsvangirai nyaya yemangoda ekwaMarange vakavakurudzira kuti dai Zimbabwe yadzidza zvinoitwa neBotswana mukuchera nekutengesa mangoda ayo. Vakataurazve pamusoro penyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika, kodzero dzevanhu, ngochani uye mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act uyo uri kuvandudzwa.

Mutemo uyu uri kuda kubatsira hutongi hwejekerere munyika, uye kuisa zvirango zvitsva kune vari kuita nyaya dzemangoda zvisina kururama kwaMarange.

America iri kuti zvirango zvakatemerwa vakuru ve ZANU-PF zvicharamba zviripo kusvikira chibvumirano cheGlobal Political Agreement chazadziswa.

VaTsvangirai vanoti vanofara nehurukuro dzavakaita muAmerica.

XS
SM
MD
LG