Accessibility links

Mazita eNhengo dzeParamende Dzisina Kushandisa Zvakanaka Mari dzeBudiriro Oendeswa Kuna VaTsvangirai naVaMugabe

  • Sandra Nyaira

Dunhu rega rega pamatunhu mazana maviri negumi, rakapihwa mari inoita makumi mashanu ezviuru zvemadhora.

Gurukota rezvemabasa eparamende nebumbiro remitemo, Va Eric Matinenga, vanoti vachapa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, gwaro rine nhengo dzedare reparamende dzisina kushandisa zvakanaka mari dzavakapihwa dzekusimudzira matunhu avanomirira kana kuti Constituency Development Fund.

Dunhu rega rega pamatunhu mazana maviri negumi, rakapihwa mari inoita makumi mashanu ezviuru zvemadhora zvekushandisa mugore ra2010.

Muongororo yakaitwa, zvinonzi kune nhengo dzeparamende makumi maviri nenhatu dzisina kushandisa mari idzi zvakanaka kubva kumapato ose matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG