Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakaremekedza zvikuru mabasa ari kuitwa nesangano reWomen of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA neMuvhuro.
VaObama vakataura pamuzinda wavo we White House, uko kwakapihwa Muzvare Magondonga Mahlangu mubayiro we 2009 Robert F. Kennedy Human Rights Award.
Mumwe wavo, Amai Jenni Williams, vakapihwawo mubairo uyu vakamirira sangano ravo.
VaObama vakakurudzira Muzvare Mahlangu na Amai Williams kuti varambe vakashinga mukurwira kodzero dzavo.
Vakapawo nhoroondo yaMuzvare Mahlangu kubva mumazuva egukurahundi apo vanhu vakawanda vakaurayiwa mudunhu reMatabeleland neMidlands, kusvika pakavambwa WOZA nechinangwa chekurwira kodzero dzevanhukadzi uye vana vadiki
Muzvare Mahlangu vanoti mubayiro uyu wavapa manyawi ekuti varambe vachienderera mberi nebasa rekuchengetedza pamwe nekurwira kodzero dzevanhu vavo.