Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Vanoti Zvegumbo Mumba Gumbo Panze Ngazvipere


Zimbabwean President Robert Mugabe and his wife Grace at the 2010 funeral of his sister, Sabina
Zimbabwean President Robert Mugabe and his wife Grace at the 2010 funeral of his sister, Sabina

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti vari kushushikana zvikuru nekusavimbika kwevamwe vakuru muhurumende, zvikuru makurukota mumapato ose ayo vanoti vari kuita gumbo mumba gumbo panze zvakanyanya.

VaMugabe vanoti vamwe vakuru vakuru muhurumende ndivo vari kuparadzira hutachiona hwe HIV/Aids munyika vachiita dzimba kwese kwese dzinozivikanwa kuti ma small houses munyika.

Mutauriri weChristian Alliance of Zimbabwe, Reverend Ray Motsi, vanoti vemachechi vari kunetsekana zvikuru nenyaya iyi zvekuti vanoda kuti hurumende igadzirise hwaro hunofanira kutevedzerwa nevatungamiriri nezvimwe zvakadaro.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu munyika dzinoti zviri kutaurwa naVa Mugabe zvinhu zvinoitika pasi rose, vachitiwo zvakakosha kuti mutungamiri wenyika ange ari pamberi mukushora mabasa akaipa.

Asi vamwe vanoti VaMugabe havakwanise kumira vachitaura mashoko akadai nokuti ivo pachavo, munhu anozivikanwa kuti vakaitawo zvegumbo mumba gumbo panze apo mukadzi wavo wekutanga, Sally, akanga achiri mupenyu ivo vachidana naMuzvare Grace Marufu, avo vave mudzimai wavo.

Nyanzvi idzi dzinoti chinhu chinenge chakanaka kuti vanhu vazvibate muhupenyu, kuitira kuti HIV/AIDS isapararire munyika.

Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu uye vachishanda nesangano re the African Centre for the Constructive Resolution of Disputes, kana kuti ACCORD, Doctor Martha Mutisi, vanoti nyaya idzi hadzina kutanga nhasi asi kuti dzakatanga kare kuburikidza nemagariro evanhu munyika.

Doctor Mtisi, vachitaura vakazvimirira senyanzvi, vanoti kuzvibata kuvanhu vakuru chinhu chakanaka nekuti zvinopa nyika gwara rakanaka.

XS
SM
MD
LG