Gurukota rinoona nezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Paurina Gwanyanya-Mpariwa, vanoti gavhuna weMasvingo haana masimba ekurambidza masangano akazvimirira kushanda munyika.
Amai Mpariwa-Gwanyanya, vanoti vari kumsasvingo uko vari kuda kuita hurukuro nagavhuna wedunhu iri, VaTitus Maluleke.
Svondo rapera Va Maluluke vakati vamisa masangano akazvimirira ega anosvika makumi maviri nepfumbamwe kushandira mudunhu iri kudzamara aita zvinodiwa nemutemo.
Amai Mpariwa-Gwanyanya, avo vachenge vari muMasvingo kwesvondo rose vachiongorora mamiriro akaita chikafu mudunhu iri, vanoti VaMaluleke havana masimba ekuita zvavakaita.
Mukuru we NANGO, Va Machinda Marongwe, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka ku Masvingo.
VaMarongwe vanoti mitemo yenyika munyaya dzemasangano akazvimirira inofanirwa kuve yakajeka kuitira kuti makurukota, magavhuna nevamwe vasaite madiro avo nehupenyu hwevanhu.