Accessibility links

Breaking News

VaMaguwu Vodzokerazve Mudare neChitatu


Svondo rapera, dare ramejasitireti rakapa mapurisa nguwa isina kutarwa kuti arambe achiferefeta nyaya iri kupomerwa VaMaguwu, izvo zvakaita kuti VaMaguwu vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso

Mutungamiri weCentre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vari kudzokera kudare repamusoro uko magweta avo anenge achipikisa kunyimwa kwavakaitwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Svondo rapera, dare ramejasitireti rakapa mapurisa nguwa isina kutarwa kuti arambe achiferefeta nyaya iri kupomerwa VaMaguwu, izvo zvakaita kuti VaMaguwu vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Rimwe remagweta ari kumirira VaMaguwu, VaTinoziva Bere, vanoti kunyange hazvo VaMaguwu vachiri muchipatara chemujeri, vava kunzwa zviri nani.

VaMaguwu vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekuburitsa mashoko anonzi nehurumende anosvibisa chimiro chayo. Hurumende yakatiwo mashoko akaburitswa nesangano raVaMaguwu aiva emanyepo.

Sangano raVaMaguwu rakaburitsa zviri kuitika pamangoda ekwaMarange, pamwe nehuori hunonzi huri kuitika.

Sangano reKimberly Process riri kuramba kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo ekwaMarange richiti Zimbabwe haisi kutevedza zvinodiwa nenzira dzinotambirwa pasi rose.

XS
SM
MD
LG