Accessibility links

Breaking News

Va Maguwu Vanoburitswa Mutirongo Mushure Mekubvisa Mari yeChibatiso


VaMaguwu vanga vava nemasvondo mashanu vari muhusungwa, matare epasi achiramba kuvapa mvumo yekubvisa mari yechibatiso.

Mutungamiri weCentre for Reseach and Development, VaFarai Maguwu, vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa itongwe vachibva kumba kwavo.

VaMaguwu vabvisisa churu nemazana mashanu emadhora eku America. Dare rati VaMaguwu vanofanirwa kugara pamba pavo kwaMutare, uye kuzvipira kumapurisa zuva rega rega.

VaMaguwu vanziwo vaendese gwaro ravo rekufambisa kunze kwenyika kumahofisi emunyori wematare, uye havabvumidzwe kufamba nzendo inodarika makiromita makumi mana kubva pamba pavo.

VaMaguwu vanga vava nemasvondo mashanu vari muhusungwa, matare epasi achiramba kuvapa mvumo yekubvisa mari yechibatiso, sezvo mapurisa anga achiti vanogona kuvhiringidza kuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa.

VaMaguwu vari kupomerwa mhosva yekuburitsa mashoko anonzi nehurumende ndeemanyepo pamusoro pezviri kuitika pamangoda ekwaMarange.

Kusungwa kwaVaMaguwu kwakashorwa nemasangano akawanda, anosanganisira sangano rinoona nezvekutengeswa kwemangoda pasi rose reKimberly Process.

Sangano iri ranga richikurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iburitse VaMaguwu muhusungwa, uye riri kuzeya nyaya yekuti Zimbabwe yopihwa here kana kuti kwete mvumo yekutengesa mangoda ekwaMarange pamusangano uri kuitirwa muSt Petersburg kuRussia svondo rino.

VaMaguwu vaudza Studio7 kuti vari kufara chose nekupihwa kwavaitwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaMaguwu vati pari zvino vari kunzwa zvakanaka mushure mekurapwa ku Avenues Clinic pamwe nemuchipatara chemutirongo reHarare Remand Prison.

XS
SM
MD
LG