Accessibility links

Breaking News

MDC Inobatana neWOZA Kukurudzira VaChihuri Kuti Vasiye Basa


Bato reMDC rinoti rinobatana nesangano reWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, mukukurudzira kuti mukuru wemapurisa, Police Commissioner General, VaAugustine Chihuri, vasiye basa nekuti vari kuita zvematongerwo enyika.

NeMuvhuro nhengo dzeWOZA dzakaratidzira muBulawayo dzichiti VaChihuri vasiye basa. Asi nhengo dzesangano iri dzinosvika pfumbamwe dzakabva dzasungwa.

Mumashoko aro kuvatori venhau, bato reMDC rati VaChihuri vari kunyadzisa nekusvibisa nyika nemaitiro avo ekuita basa vachirerekera kuZanu-PF. MDC yati VaChihuri vanofanira kusiya zvechipurisa voenda kubato reZanu-PF.

Kunyange VaChihuri vakabuda pachena kuti vanotsigira bato reZanu-PF, vanoti havo basa ravo vanoita vasingatarise kuti wabuda mumba maani.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika iri kuita zvidzidzo zvepamusoro soro pa Westminster University muLondon, VaPedzisayi Ruhanya vanoti chinodiwa kutovandudza mashandiro emapurisa kwete kungobvisa VaChihuri chete.

XS
SM
MD
LG