Accessibility links

Breaking News

Dunhu reGeorgia Roverenga Zvakare Mavhoti


Election 2020 Georgia Vote Counting
Election 2020 Georgia Vote Counting

Mavhoti emudunhu reGeorgia apinda neMugovera muzuva repiri achiverengwa zvakare zvichitevera danho rakatorwa nedunhu iri kuti averengwe zvakare.

Izvi zviri kuitika panguva iyo mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kupikisa zviri kubuda musarudzo dzematunhu akati kuti vachiti sarudzo idzi dzakabiridzirwa uye Va Joe Biden nebaro ravo reDemocratic Party, havana kukunda.

Kuverengwa kwemavhoti emuGeorgia kwakaziviswa negurukota rezvekudyidzana nemamwe matunhu, VaBrad Raffensperger, avo vanove nhengo yeRepublican Party, vachiti sezvo mutsauko wemavhoti aya uri mudikidiki, mavhoti aya anofanirwa kuverengwa zvakare senzira yekunyatsoonesesa kuti ndiyani akunda.

Pavanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vakavhota muGeorgia, VaBiden vari pamberi paVaTrump nemavhoti zviuru gumi nezvina, kana kuti 14,000, zvichireva kuti pane mutsauko we 0.03%.

Mitemo yesarudzo yemuGeorgia, iyo yakasiyanawo nemitemo yemamwe matunhu emuAmerica, inoti mitsauko yose iri pasi pe0.05% inopa kuti mavhoti averengwe zvakare.

VaBiden vakanzi nemasangano ose enhau ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Sezvinodiwa nemitemo yeAmerica, chikwata cheElectoral College chiri kusangana musi wa Zvita 14, 2020 kuti chizivise zviri pamutemo zvakabuda musarudzo.

Kunyange hazvo Trump vari kuramba kutambira kukundwa kwavo musarudzo, VaBiden vakatoumba chikwata chavo chekutambidzana masimba icho chiri kuenderera mberi nekuronga hurumende ichange iri pasi pavo kutanga musi 20 Ndira 2021, apo vachatoreswa mhiko yekuva mutungamiri weAmerica.

Mutevedzeri waVaBiden, Amai Kamala Harris, vari kupinda munhoroondo yemuAmerica yemakore mazana maviri nemakumi mana nemana kuva mudzimai wekutanga kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muGeorgia, VaSimbarashe Chipere, vanoti havaone kuverengwa kwemavhoti uku kuchichinja mamiriro akaita zvinhu mudunhu ravo.

VaChipere vanoti zviri pachena kuti VaBiden vakakunda musarudzo dzakaitwa muAmerica kusanganisira Georgia, uye kuverengwa patsva kwemavhoti aya hakuna zvakunobatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG