Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa aVaTrump neDemocratic Party Ovhiringawo Mashandiro eMizinda yeNyika Iyi


Trump Government Shutdown

Muzinda mutsva weAmerica waifanira kuvhurwa zviri pamutemo nemusi weChina chapfuura, asi izvi hazvina kuitika nekuda kwemakakatanwa ari kunyika iyi pakati pemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nebato reDemocratic Party.

Vashandi vepamuzinda uyu vakaudza vese vainge vakokwa kuti chiitiko ichi change chambomiswa uye vachaziviswa kana zvinhu zvichinge zvarongeka kuAmerica.

Pari zvino muzinda weAmerica une vashandi vashoma vari pabasa zvichitevera kuvharwa kwemamwe mapazi ehurumende.

Mumwe mushandi mukuru pamuzinda weAmerica muHarare ati vamwe vashandi vasina kumiswa basa vachanotanga kushandira kumuzinda mutsva musi wa Ndira 22.

Vatiwo hofisi inotorerwa mavhiza icharamba ichishanda hayo panguva iyo mamwe mapazi emuzinda uyu anenge akavharwa.

VaTrump vari kupokana nebato rinopikisa reDemocratic Party panyaya yekuvaka mudhuri pakati pemuganhu weAmerica neMexico.

VaTRump vari kuda mabhiroyini mashanu nemazana manomwe ezviuru zvemadhora kuitira kuti vashandise mari iyi kuvaka mudhuri, uyo vakatanga kutaura apo vaitsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016.

Panguva iyi VaTrump vakati kana vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, vaizoita zvose zvavanokwanisa kuti Mexico ibhadhare mari yekuvaka mudhuri uyu.

Asi ikozvino vari kuramba kuti vakataura mashoko ekuti Mexico ndiyo yaizobvisa mari yekuvaka mudhuri uyu.

Mumwe mugari wemuHarare Amai Anita Gonzo vaudza Studio7 kuti zviri kuitika kuAmerica zviri kuvabata chose sezvo zvave kukanganisa raramo yavo.

Mapazi akawanda ehurumende yeAmerica haasi kubhadhara vashandi vawo kana kuti akavamisa basa kudzamara hurumende yavapa bhajeti ravo.

America inobatsira masangano akawanda anoshanda akazvimirira uye masangano aya ari kushushikana kuti ave kutadza kuwana rubatsiro nekuda kwezviri kutika kuAmerica.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo vaudza Studio7 kuti vanoshuvira kuti dai zvinhu zvagadziriswa kuAmerica nechimbichimbi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati America inyika yakakosha chose uye kusagadzikana munyika iyi kunovhiringawo pasi rose.

America ndiyo nyika inopa rubatsiro rwakakura kudarika nyika dzese pasi rose zvokuti kuvharwa kwemamwe mapazi ayo, kunovhiringawo zvinhu zvakawanda pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG