Accessibility links

Breaking News

Dare reSeneti Rinoti VaTrump Havana Mhosva Yavakapara


Impeachment trial of former U.S. President Trump concludes in Washington
Impeachment trial of former U.S. President Trump concludes in Washington

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vawanikwa nedare reSeneti vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekupesvedzera vatsigiri vavo kuita mhirizhonga musi wa Ndira 6 iyo yakasiya vanhu vashanu vafa, kusanganisira mupurisa aive pabasa.

Iyi yanga iri mhosva yechipiri mukati megore VaTrump vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yenyika.

VaTrump vapunyuka mushure mekunge mavhoti atadza kusvika makumi matanhatu nemanomwe anodiwa nemutemo kuti munhu abatwe nemhosva.

Maseneta makumi mashanu nemanomwe anosanganisira eDemocratic Party makumi mashanu, neeRepublican Party manomwe, avhotera kuti VaTrump vabatwe nemhosva iyi, ukuwo maseneta eRepublican Party makumi mana nematatu, avhota achiramba kuti VaTrump vakapara mhosva.

Kutongwa kwenyaya iyi kwasvika kumagumo mushure memamazuva mashanu vachuchisi veDemocratic Party vachitatsurana nemagweta aVaTrump.

VaTrump vakapedza temu yavo musi waNdira 20, mushure mekukundwa musarudzo naVaJoe Biden veDemocratic Party, avo vakatoreswa mhiko musi wa Ndira 20.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kuwanikwa kwaVaTrump vasina mhosva kunovapa mukana wekuti vakwikwidze musarudzo munguva inotevera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG