Mumiriri weAmerica mutsva muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe Electoral Commission iite zvese zvainokwanisa kuitira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaNichols, avo vakatanga basa ravo muZimbabwe, vati America inoyemura zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe pakugadzirira sarudzo zvakaita sekukoka vekunze kuzoongorora sarudzo idzi pamwe nekupa mukana kumapato ose kuti atsvage rutsigiro akasununguka.
Asi vati zvakakosha zvikuru kuti Zec iite zvese zvainokwanisa kuita kuti vese vari kupinda musarudzi idzo vafare pamwe nekuvimba nemafambisiro airi kuita basa rayo.
Vati kuita sarudzo dzakachena ndezvimwe zvezvinhu zvinoita kuti America nedzimwe nyika dzivandudze hukama hwadzo neZimbabwe.
Kunze kwesarudzo, VaNichols vati Zimbabwe inofanirawo kuremekedza kodzero dzevanhu munyaya dzehupfumi pamwe nematongerwo enyika.
Panyaya yekuti nyika yavo yakamira kubatatsira masangano anoshanda akazvimirira mari mushure mekunge masangano aya aonekwa kuti aishandisa mari zvisiri pamwero, VaNichols vati nyika yavo yakazvipira kuramba ichibatsira masangano aya asi vakati anofanira kutevedza mitemo yemashandisirwo emari iyi.
Vatsigira danho rehurumende yavo uye vati masangano anoshandisa mari inobva kuAmerica zviri pamutemo acharamba achiwana rutsigiro.
Mukuru wePlatform For You Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio7 kuti vanobvumirana naVaNichols kuti Zec inofanira kuita basa rayo pachena.
Mapato anopikisa munyika haasi kufara nemabatirwo ari kuitwa bsa neZec.
Kunyangewo mamwe masangano anoshanda akazvimirira anoti ZEC haisi kuita basa rayo zvakajeka.
Mutungamiriri wemachechi ari pasi peEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Dr Shingi Munyeza, vanoti havasi kufara nezviri kuitwa neZec.
VaNichols vati America inoda kuvandudza hukama hwayo neZimbabwe uye zvakakosha kuti munhu achakunda musarudzo atevedze bumbiro remitemo yenyikavachiti kana izvi zvikaitwa, nyika dzese pasi rose dzichatanga kudyidzana neZimbabwe zvekare.
Facebook Forum