Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Maviri muZimbabwe Anobviswa paZvirango Zvakatemerwa neAmerica


Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Bazi rinona nezvemari muAmerica re U.S Treasury Department neChina rakati munhu anenge oda kuita bhizimisi nemabhanga maviri aya haachafanire kutanga akumbira rezinesi kuhurumende yeAmerica.

America, ichatungamirwa naVaGoerge Walker Bush, yakatemera mamwe makambani nenhengo dzeZanu-PF zvirango muna 2003 ichivapomera mhosva yekutonga nedemo.

Zvirango izvi zvinowedzerwa nguva gore rega, uye pakapinda VaBarack Obama mukutonga, vakaramba vachizvichengetedza vachiti zvichabviswa chete kana hurumende yeZanu PF yava kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yenyika.

Asi Zanu-PF inoti zvirango zvakatemerwa nyika mushure mekunge hurumende yagovera ivhu kuvatema.

Hurumende yeAmerica yabvisawo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvakatemerwa zvirango kusanganisa nhengo dzeZanu-PF nhatu dzakashaya dzinosanganisa vaive sachigaro webato iri mudunhu reHarare, VaAmos Midzi, vaiva nhengo yePolitburo VaStanley Sakupwanya uye VaSikhanyiso Duke Ndlovu, vaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

Mudzimai waVaNdlovu amai Rose Jaele Ndlovu uye vamwe vanonzi Amai Nalinee Taveeesin vekuThailand vakabviswawo pavanhu vainge vatemerwa zvirango mushure mekunyora tsamba vachizvichenura. Amai Nalinee vaive gurukota kuThailand vakatemerwa zvirango muna 2008 nekudyidzana kwavo naVaMugabe.

Asi vairamba kuti vanodyidzana naVaMugabe vachiti vainge vozorwa mafuta enguruve yavasina kudya vachiti vaingozivawo VaMugabe.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 kuti zvirango izvi hazvisi pamutemo uye zvinofanira kubviswa zvose kwete muzvidimbu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti America haifanire kubvisa ziso rayo pahurumende yeZimbabwe zvikuru panyaya dzekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG