Accessibility links

Breaking News

America Yovimbisa Kudyidzana neAfrican Union Zvine Pundutso Mukati


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kutambira mashoko aVaJoe Biden zvine mutsindo nerukudzo mukati, uye vafunge zvakadzama kuti vangasimbaradze seyi hukama hwavo nehurumende itsva iri kutonga mu America.

Mutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vatumira mashoko avo kuvatungamiri vemu Africa, avo vari kuita musangano wemazuva maviri padandemutande senzira yekuti vanhu vasatapurirane chirwere che Covid-19.

VaBiden vaudza musangano weAfrican Union wechimakumi matatu nemana uyu kuti America yakagadzirira kuva sahwira wenyika dzemu Africa mukutsigirana, mukubatana pamwe nekuremekedzana.

Vati izvi ndizvo zvinopa America kuti ishanda pamwe nemasangano epasi rose akaita se African Union.

Vati pasi rose rinofanirwa kushanda pamwe chete kuitira kuzadzisa "shuviro yeremangwana rakanaka, remangwana rine kukura munyaya dzekutengeserana, kunopa pundutso kunyika dzose."

VaBiden, avo vakagadzwa pachigaro chemutungamiri weAmerica mwedzi wapera mushure mekukunda VaDonald Trump veRepublican Party, vati nyika yavo "yakazvipira kuvaka zvakare mushandirapamwe pamwe nekubatsira vanhu vemu Africa pazvinhu zvose zvinosanganisira kurwisa chirwere che Covid-19 uye mukushanda neAfrican Union mukupedza mhirizhonga dziri kuuraya vanhu vakawanda muAfrica yose."

Mutungamiri weAmerica atiwo America yakagadzirira kuva sahwira we Africa, uye inodavira zvinoitwa nenyika dzemu Africa. Vatiwo kunyange hazvo paine zvipingaidzo zvihombe, “hapana kupokana kuti nyika dzedu, vanhu vedu, pamwe neAfrican Union, vakazvipira kugadzirisa zvipingaidzo zvose.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nekufambiswa kwemabhizinesi pasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kutambira mashoko aVa Biden zvine mutsindo nerukudzo mukati, uye vafunge zvakadzama kuti vangasimbaradze seyi hukama hwavo nehurumende itsva iri kutonga mu America.

Muzvinafundo Masocha vanoti kuti Zimbabwe idyidzane zvemhando yepamusoro soro munyaya dzemabhizinesi, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu chinova chinhu chakaita kuti vamwe vakuru vakuru vatemerwe zvirango neAmerica.

Muzvinafundo Masocha vanoti Zimbabwe ikaratidza kuti yava kuremekedza kodzero dzevanhu uye mapurisa nemasoja ayo achibata vemuZimbabwe zvine chiremera, Zimbabwe inogona kudyidzana nemabhizinesi ekuAmerica nenzira inoita kuti hupfumi hwenyika husimudzirwe.

Asi Zimbabwe inoti iri kuomeserwa nekuti yakatorera varungu mapurazi ichiapa kuvanhu vatema.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG