Accessibility links

Breaking News

VaObama Vanotora Mhiko yeKutungamira America kweMamwe Makore Mana


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vatora mhiko neMuvhuro yekutungamira America kwemamwe makore mana.

Va Obama vakatanga kutora mhiko neSvondo sezvinodiwa nebumbiro remitemo rinoti mutungamiri wenyika atore mhiko musi wa 20 Ndira nenguva dza 12 masikati.

VaObama vakatoreswa mhiko nemukuru wevatongi vematare, Va John Roberts, avo vavatoresa mhiko zvakare neMuvhuro. VaObama vatoreswa mhiko vakabata mabhaibheri maviri, rekutanga riri rakashandiswa nevaimbove mutungamiri wenyika iyi, muchakabvu Abraham Lincoln muna 1861, rechipiri riri bhaibheri rakashandiswa nemurwiri wekodzero dzevanhu, muchakabvu Reverend Martin Luther King Junior.

Apo nyika yanga ichipemberera kugadzwa kwaVaObama, vanhu vemu America vanga vachicherechedza zvakare mabasa a Reverend King, avo vakaurayiwa muna 1968.

Vanhu vanodarika mazana masere ezviuru vaungana mu Washington Mall vachiona hurongwa hwekutora mhiko kwaVa Obama, avo vakasarudzwa muna 2008 kuva munhu mutema wekutanga kutonga America.

VaObama vakasarudzwa zvakare muna 2012 kuti vatonge America kechipiri mushure mekukunda VaMitt Romney musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi gore rapera.

Mashoko aVaBarack Obama
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:18:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG