Accessibility links

Breaking News

Dare reHouse of Representatives Rinowana VaTrump Vaine Mhosva


Dare remuAmerica re House of Representatives rakawana mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vaine mhosva yekupesvedzera zviuru nezviuru zvevatsigiri vavo kuti zviite mhirizhonga paCapitol Hill svondo rapera.

VaTrump vanonzi vakapesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga kuitira kuti zvakabuda musarudzo zvishandurwe votarwa ivo, VaTrumpo, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika kunyange hazvo Electoral College yakati VaJoe Biden veDemocratic Party ndivo vakakunda zvine mutsindo musarudzo iyi.

Mhirizhonga iyi yakakonzeresa kufa kwevanhu pamwe nekukuvara kwevanhu vakawanda, kusanganisira vachengetedzi vemutemo.

USA, Washington, protest of Trump supporters in front of Kongres
USA, Washington, protest of Trump supporters in front of Kongres

Nhengo mazana maviri nemakumi matatu nembiri dzakavhota dzichiroverera VaTrump nemhosva, asi dzikapikiswa nenhengo zana nemakumi mapfumbamwe nenomwe, idzo dzaiti VaTrump havaifanirwa kuwanikwa vaine mhosva zviri pamutemo, kana kuti impeachment.

Asi nepamusana pekuti mutemo wedare iri unoti vane huwandu hwakawanda kudarika vamwe ndivo vanobva vatambirwa zviri pamutemo, kupikiswa kwenyaya iyi mudare rehouse of Representatives, hakuna zvakunoreva.

Nhengo dzeDemocratic Party dzaive mudare iri dzakatsigirwa nenhengo gumi dzebato reRepublican Party mukuwana VaTrump vaine mhosva.

Izvi zvakaita kuti VaTrump, avo vakapinda panyanga makore mana apfuura, vave mutungamiri weAmerica wekutanga kuwanikwa aine mhosva nedare iri kaviri munhoroondo yeAmerica yemakore mazana maviri nemakumi mana nemashanu.

VaTrump vakawanikwa nedare reHouse of Representatives vaine mhosva, asi vakazoponeswa nedare repamusoro reSenate, iro rakaramba kuti VaTrump vawanikwe vaine mhosva. Izvi zvakaitika nekuti bato raVaTrump ndiro raitonga mudare reSenate.

Asi rwendo rwuno, nyaya yaVaTrump ichazeiwa nedare reSenate iro richavatongawo mushure mekunge mutungamiri mutsva, VaJoe Biden, vatoreswa mhiko svondo rinouya nemusi weChitatu.

Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri weRepublican Party mudare reSenate, Va Mitch McConnell, avo vakaratidza nezuro kusada kudaidza zvechimbi chimbi dare reSenate kuti rigare pasi richitonga nyaya yaVaTrump.

Asi mutungamiri weDemocratic Party mudare reSenate, VaChuck Schumer, vakati kutongwa kwaVaTrump muSenate kunogona kutanga svondo rino kana svondo rinouya.

Chuck Schumer
Chuck Schumer

Asi VaSchumer havakwanisi kudaidzira kuti dare reSenate rigare pasi sezvo vasati vava nemasimba ekuita izvi.

Asi vari kutarisirwa kuva mutungamiri we Senate svondo rinouya mushure mekunge nhengo mbiri dzakasarudzwa kuGeorgia dzatoreswa mhiko yekuva nhengo dzedare iri apo VaBiden vanenge vatoreswawo mhiko yekuva mutungamiri mutsva.

Mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva, VaTrump vakaburitsa vhidhiyo nezuro, Chitatu, vachishoropodza mhirizhonga yakaitika asi havana kutaura nezvemhosva yavakawanikwa vanayo.

President Donald Trump
President Donald Trump

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kana dare reSenate rikawana VaTrump vaine mhosva, VaTrump vacharambidzwa kwehupenyu hwavo hwese kushanda muhurumende yeAmerica pachinzvimbo chipi zvacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG