Accessibility links

Breaking News

America Inopa Zimbabwe Mari Ichashandiswa Mukuvakiridza Masvingo eGreat Zimbabwe Ruins


Brian Nichols US Ambassador In Masvingo At Great Zimbabwe
Brian Nichols US Ambassador In Masvingo At Great Zimbabwe

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vapa hurumende mari inosvika zviuru mazana mana nemakumi manomwe neshanu iyo ichashandiswa mukuvakiridza Masvingo eGreat Zimbabwe pamwe nedzimwe nzvimbo dzekushanyira munyika.

Vachitaura pahurongwa hwekuparura chirongwa ichi pa Great Zimbabwe Ruins, Ambassador Nichols vati chirongwa ichi chichaitwa kwemakore maviri, uye vanokoshesa nzvimbo dzinochengetedza tsika nemagariro pamwe nenhoroondo dzenyika.

Ambassador Nichols, avo vatanga vatenderera nekukwira gomo raigara Mambo wenzvimbo iyi, vati vafara nekuona Masvingo yakavakawa pasina dhaka nesemende uye vachiona tsika dzechinyakare dzaitwa panzvimbo iyi.

Muzinda weAmerica waparura chirongwa ichi uchibatsairwa nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenzvimbo dzinoshanyirwa pasi rose re World Monument Fund, WMF, pamwe nbazi rehurumende yeZimbabwe rekuchengetedzwa kwenzvimbo dzinoshanyirwa munyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ku WMF, VaStephen Battle, vati vanofara zvikuru kushanda nehurumende yeAmerica pamwe neyeZimbabwe mukuchengetedza nzvimbo dzekushanyirwa uye tsika nemagariro evanhu.

Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vatenda zvikuru rubatsiro urwu vachiti zvichavanduza bazi rezvekushanyirwa munyika.

Asi vakurudzirawo America kuti ibvise zvirango zvehupfumi zvavati yakatemera Zimbabwe.

Mukuru wemabasa mubazi rekuchengetedzwa kwenzvimbo dzakakosha dzekushanyirwa munyika, Dr Gofrey Mahachi, vatendawo mabasa aitwa neAmerica.

Vagari ve munharaunda yeNemamwa, umo mune Masvingo e Great Zimbabwe, vatambirawo chirongwa ichi vachiti chinoita kuti nzvimbo yavo irambe ine kukosha kunodana vashanyi vekunze.

VaBothewell Mushayi, vachimirira Ishe Nemamwa, vati zvaitwa neAmerica zvinorumbidzwa uye zvakakosha mukuchengetedza tsika.

Muzinda we America wati imwe mari ichashandiswa kuvakurudza mudhuri yeMatopos ku Matebeleland South nedzimwe nzvimbo dzinoda rubatsiro.

Asi paGreat Zimbabwe vati mari iyi ichavakirirdza mudhuri nekuchengetedza nhoroondo yetsika dzepasi chigare uye kuchauya vana mazvikomota kubva kuAmerica nemishina yechizvino zvino ichabatsira kuchengetedza nhorondo idzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG