Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Votaura Pamusoro peMashoko aVaMugabe Kuna VaTrump


Ambassador Harry Thomas.
Ambassador Harry Thomas.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaHarry Thomas, vanoti vanofara chose kuti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoda kuva nehukama hwakanaka nemutungamiriri mutsva weAmerica, VaDonald Trump.

Vakatiwo hurmende yavo icharamba ichibatsira Zimbabwe munyaya dzehutano, dzidzo nezvimwe.

Vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzeZimbabwe United States Alumni Association idzo dzakaungana muHarare manheru dzichicherechedza, Black History Month, VaThomas vakati vanofara nemashoko akataurwa naVaMugabe ekuti VaTrump vanofanira kupihwa mukana wekuratidza zvirongwa zvavo vachiti izvi zvinoratidza kuti VaMugabe vanoda kuva nehukama hwakanaka naVaTrump.

Asi VaThomas vakati nyika yavo icharamba ichitevedzera zvirongwa zvayo zvekutsigira Zimbabwe zvikuru sei munyaya dzenzara, dzidzo nezvimwe.

VaThomas vakati America inopa rubatsiro rukuru kuZimbabwe munyaya dzehutano zvikurusei panyaya dzeHIV/AIDS nenyaya dzekubatsira vanhu nechikafu nedzidzo.

Mumashoko ekupemberera kuzvarwa kwavo, VaMugabe vakati zviri kuitwa naVaTrump zvekuti America inoita zvido zvevana veAmerica zvakanaka chose uye zvinopindirana nemafungiro avo.

Pavakabvunzwa kuti vacharamba vari pabasa here semumiriri weAmerica muZimbabwe, zvichitevera kuchinja kwehuruemende kunyika kwavo, VaThomas, avo vakadomwa kuzomiriraZimbabwenaVaBarack Obama, vakati itarisiro yavo kuti vachapedza nguva yavo semumiriri weAmerica muZimbabwe.

Asi vakati vanofara chose kudzokera kuAmerica kana vakanzi vadzoke sezvo vamiriri venyika dzese vachiita zvavanenge vanzi vaiite nevatungamiriri vavo.

Vakapinda muchiitiko chanezuro vaida kuzivawo kuti rutsigiro rweAmerica kuzvirongwa zvakaita secheYoung Africa Leadership Initiative zvichaitwa seyi, VaThomas vakati itarisiro yavo kuti zvirongwa izvi zvichaenderera mberi.

Vakati vanodero nekuti pane zvirongwa zvimwe zvakaita seche President’s Emergency Plan for AIDS Relief icho chakatangwa nehurumende yaVaGeorge Bush veRepublican Party chakaenderera mberi pasi pehurmende yaVaObama.

VaThomas vakati pavachaenda kuWashington DC vachanotaura nemukuru wavo mutsva, gurukota rezvekunze kweAmerica, VaRex Tillerson,kuti varambe vachitsigira zvirongwa zvakaita seYALI.

Vakati gore rino pane vechidiki vanodarika zviuru zviviri vakanyorera kupinda pachirongwa cheYALI asi pakadomwa makumi matanhatu chete.

VaThomas vakatiwo kunyange hazvo vazhinji munyika yavo vasingazive Zimbabwe pane zvizvarwa zvenyika iyi zvinodarika zviuru makumi matanhatu zvinoshanyira Zimbabwe uye zvizhinji zvacho zvinoenda kumapopoma eVictoria Falls

Black History Month inocherechedzwa muna Kukadzi gore rega rega muAmerica senzira yekuremekedza mabasa evanhu vemunyika iyi vane midzi yavo kuAmerica kana kuti maAfrican Americans.

Izvi zvakatangwa kuitwa muAmerica muna 1976 uyewo dzimwe nyika dzakaita seBritain neCanada dzava kucherechedza mwedzi uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG