Chikoro chedzidzo yepamusoro soro, cheUniversity Of Zimbabwe, chinoti chiri kufara zvikuru nehuwandu hwevarapi vanoshandisa mishonga yechivanhu vari kuita zvidzidzo zvekuwedzera hunyanzvi hwawo.
Zvidzidzo izvi zviri kuitwa kekutanga nebazi rechikoro chezvemishonga, kana kuti School of Pharmacy.
Sachigaro ve sangano re Traditional Medical Practitioners Council, uye vari mukuru we School of Pharmacy, VaChiedza Maponga, vanoti kunyange hazvo vange vakatarisira kutora vadzidzi makumi matatu pakatanga chirongwa ichi mwedzi wapera, vakaona zvakakodzera kuwedzera huwandu hwevadzidzi kusvika pamakumi manomwe.
VaMaponga vanoti zvidzidzo zvinoitwa kwemwedzi mitanhatu, vanenge vabudirira, vachipihwa zvipupa. Vadzidzi vari pachirongwa ichi vanobhadhara mari inoita mazana maviri nemakumi mashanu emadhora.
Bazi re School of Pharmacy riri kushanda nesangano reTraditional Medical Practitioners Council mukufambisa chirongwa ichi, icho chiri kutarisira kudzidzisa varapi vanoshandisa mishonga yechivanhu vanosvika mazana matanhatu.
Nyanzvi munyaya dzechivanhu dzinoti Zimbabwe inyika ine vanhu vanoremekedza mishonga yechivanhu nokudaro chirongwa ichi chichaita mukurumbira mukuru munyika.