Accessibility links

Breaking News

United Nations Yokurudzira Hurumende Kurasa Mhosva Iri Kupomerwa Madzimai Matatu eMDC


TORTURED MDC ACTIVISTS
TORTURED MDC ACTIVISTS

Sangano reUnited Nations rakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti isiyane nemhosva yairi kupomera mumiriri weHarare West, Muzvare Joanna Mamombe, nevamwe vavo vaviri vari muMDC Alliance vanoti vakatochwa vari mumaoko ehurumende mwedzi wapera.

Sangano iri rakurudzirawo hurumende kuti nhumwa dzaro dzibvumirwe kupinda munyika kuti dzizoongorora mamiriro akaita zvinhu munyaya yekodzero dzevanhu.

Gwaro raburitswa neChitatu nesangano reUnited Nations Human Rights Office of the High Commission rakurudzira hurumende kuti ikande mapfumo pasi pamhosva yairi kupomera Muzvare Mamombe nevamwe vavo vanoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova avo vanoti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko ehurumende mwedzi wapera.

Mugwaro ravo, ana mazvikokota vapfumbamwe vanoona nezvekodzero musangano reUnited Nations iri, vati hurumende yeZimbabwe inofanira kusiyana netsika yekutsakatikisa pamwe nekutocha vanhu vachiti kushungurudza kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance idzi kunotyora kodzero dzavo dzekuungana murunyararo pamwe nekutaura zvadzinoda dzakasununguka.

Ana mazvikokota veUnited Nations ava vakurudzirawo hurumende kuti iferefete zvakakwana vanhu vanonzi vakapamba pamwe nekutocha nhengo nhatu dzeMDC Alliance idzi kuitira kuti vagomiswa pamberi pematare vakatarisana nemhosva dzavo.

Mashoko eUnited Nations aya atambirwa nemufaro nemutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzai Mahere.

Rimwe gweta remuHarare rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzayi Kadzere, vaudza Studio 7 kuti chinoshamisa ndechekuti hurumende haina zvainoita nguva dzose dzinonzi vanhu vapambwa nekutochwa kunyange hazvo zvichinge zviri pachena kuti vanhu ava vanenge vatyorerwa kodzero dzavo nani.

Gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende yavo iri mubishi kuferefeta nyaya yekupambwa pamwe nekutochwa kunonzi kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance idzi.

Vatiwo nyaya yekuti vatatu ava vane mhosva yavakapara here kana kuti kwete panyaya yavari kupomerwa yekunzi vakatyora mitemo yechirwere cheCovid yakadzikwa nemutungamiri wenyika yeCovid-19 Regulations inyaya yavari kusiira vatongi vematare.

Zvichakadai, United Nations yakurudzirawo hurumende yeZimbabwe kuti ibvumidze nhumwa dzayo kuti dzipinde munyika dzizoongorora mamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzekodzero dzevanhu ichiti haisi kufara nehuwandu hwevanhu vanonzi vakapambwa vakatochwa muZimbabwe.

Zvinonzi pane vanhu makumi mana nevapfumbamwe (49) vakapambwa vakatochwa muZimbabwe gore rapera chete.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zvakakosha kuti hurumende yaVaMnangagwa ibvumidze nhumwa dzeUN idzi kupinda munyika kana hurumende yeZimbabwe isina chairi kuvanza panyaya iyi.

Taedza kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe pavamire pakurudziro yeUN yekuti mhosva iri kupomerwa nhengo dzeMDC Alliance idzi isendekwe parutivi asi vati vanga vari mumusangano uye pataenda pamhepo vanga vasisadaire nharembozha yavo.

Kurudziro yeUnited Nations yekuti nyaya iyi iraswe yakaitwawo nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira Amnesty International, Human Rights Watch, masangano ekodzero dzevanhu muZimbabwe nemamwe ekunze akawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG