Accessibility links

Breaking News

Unicef Inowirirana neHurumende Kuti Zvikoro Zvakagadzirira Kudzivirira Kupararira kweCovid-19


Westlea Primary School Visit 5
Westlea Primary School Visit 5

Hurumende, ichitsigirwa neUnicef, inoti iri kugutsikana nematanho ari kutorwa muzvikoro ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvabuda mushure meongororo yemushandirapamwe pakati peUnicef nebazi redzidzo yepasi yakaitwa pachikoro cheWestlea.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro cheWestlea Primary School, Amai Ntombizodzwa Mareva, vati kushanda pamwe chete kwebazi rezvedzidzo nesangano reUnicef kuri kubatsira zvakanyanya vadzidzi vakati kunyangwe panga pakavharwa zvikoro nekuda kwedenda reCovid-19, vadzidzi vavo vanga vari kungodzidza vari kudzimba kuburikidza nechirongwa cheLearning Passport.

Amai Mareva vatiwosezvo vana vechikoro vawana mukana wekudzoka zvekare kuzvikoro, vari kutora matanho ese anotarisirwa kuti vadzivirire kupararira kwedenda reCovid19.

Mushure mekuongorora madzidziro ari kuita vana paWestlea Primary School, munyori mubazi rezvedzidzo, Amai Tumisang Tabela vati vari kugutsikana nematanho ari kutorwa nezvikoro zvakadai seWestlea Primary mukusimudzira kuti vana vadzidze vakachengetedzeka kubva kuCovid-19

Mukuru weUNICEF muZimbabwe, Dr Tajudeen Oyewale, vatiwo vanofadzwa zvikuru nekudzoka kwevana kuzvikoro.

VaOyewale vatiwo sangano ravo rinoda kuti vana varambe vachiwana kodzero yedzidzo kunyange zvikoro zvavhurwa.

Vatiwo zvakakosha kutora matanho ekudzivirira denda reCovid19 kuitira kuti vana varambe vari muzvikoro.

Chirongwa cheLearning Passport icho chakaparurwa nebazi rezvedzidzo pamwe neUinef muna Kurume chinopa vadzidzi nevadzidzisi mukanawekushandisa nzira dzepamadandemutande kuenderera mberi nedzidzo kunyange vasingakwanisi kuenda kuzvikoro nekuda kwedenda reCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG