Accessibility links

Breaking News

UNDP Inoramba Kuwedzera Mari kuHurongwa hweCopac


Musangano wakaitwa neMuvhuro pakati pekomiti iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, yeCopac, nesangano riri kubatsira nemari muhurongwa uhu, reUNDP, unonzi hauna zvawakaburitsa zvikuru sezvo sangano iri rakaramba kuwedzera mari yekubhadhara mazuva gumi nemashanu akawedzerwa pachirongwa ichi.

Zvinonzi UNDP inonzi yakangopa mvumo chete yekuti Copac ishandise mari yakasara pakapera mazuva makumi matanhatu nemashanu ekutanga kwechirongwa ichi.

Copac yakanga yakumbira imwe mari inoita mamiriyoni mashanu emadhora yekuti ikwanise kupedzisa chirongwa chayo.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti izvi zvava kureva kuti hurumende ndiyo yasara yava nemutoro wekuona kuti chirongwa ichi chapera zvakanaka.

Ukuwo, sangano reZimRights rinoti riri kukurudzira vanhu kuti vapinde mumisangano yeCopac, kuitira kuti vataure zvavanoda kuona zviri mubumbiro idzva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZimrights, Amai Olivia Gumbo, vanoti pane zvakawanda zvisi mubumbiro riri kushandiswa zvinofanirwa kugadziriswa, zvikuru kodzero dzevanhu muzvinhu zvakasiyana siyana.

XS
SM
MD
LG