Accessibility links

Breaking News

UNDP Yovimbisa Zimbabwe Zvose Zvainoda Kuitira Sarudzo Dzakachena


Achim Steiner

Mukuru weUnited Nations Development Program, UNDP, VaAchim Steiner, avo vasvika muHarare neChina, vaudza vatori venhau kuti UNDP ichabatsira Zimbabwe nezvese zvainoda kuita sarudzo dzejekerere.

Vachitaura nevatori venhau pane imwe hotera muHarare mushure mekusangana negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSteiner vati vachabatsira Zimbabwe nemari yezvese zvingadiwe neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

VaSteiner vati pamusoro pekuzvipira kweUNDP mukuona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzisina mvongamupopoto, vatiwo vakazvipira kushanda neZimbabwe kuti ibude mumatope maiiri munyaya dzehupfumi.

VaSteiner vati vachasangana nemapazi ehurumende akasiyana-siyana pamwe nemamwe masangano kuti vaite hurukuro dzekuzeya kuti zvii zvangade kuitwa kuti sarudzo dzegore rino dzive dzakachena.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Sibusiso Moyo, vaudzawo vatori venhau kuti rwendo rwuno hurumende yeZimbabwe yakazvipira kuita sarudzo dzakachena huye dzisina mhirizhonga.

VaMoyo vatiwo sarudzo dzakachena dzichabatsira kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika zvakasununguka zvinozobatsira kuunza budiriro munyika.

VaSteiner vachasangana nevanhu pamwe nemasangano akasiyasiyana kusvika nemusi weMugovera panopera rwendo rwavo rwekushanyira Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG