Accessibility links

Breaking News

UN Inoti Yakazvipira Kubatsira Zimbabwe Munguva yeSarudzo


Sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, reUnited Nations, rati rakazvipira kubatsira pamwe nekuongorora sarudzo dzingangoitwa munyika gore rinouya.

Vachitaura pagungano rekucherechedza kuumbwa kwesangano iri nevatori venhau muHarare, mukuru wesangano iri muZimbabwe, VaAlain Noudehou, vati UN inogona kubatsira nyika munyaya dzesarudzo semabatsiriro avari kuita muzvirongwa zvakasiyana siyana zvakaita sekunyorwa kwebumbiro remutemo.

Pavabvunzwa kuti sangano ravo rakakokwa here kuti rizobatsira sarudzo dzichatevera munyika, VaNoudehou, vati pari zvino sangano ravo harisati rakumbirwa kuti rizobatsira panyaya yesarudzo munyika.

Asi vatiwo basa rekuronga sarudzo rinoitwa nenyika ino uye ivo havapindire kana vachinge vasina kukokwa.

Vachipindurawo mubvunzo wekuti Zimbabwe ichakoka United Nations here kuzoongorora sarudzo dzichatevera munyika, mutevedzeri yemunyori muhofisi yemutungamiriri wenyika nedare remakurukota VaRay Ndhukula varamba kupindura mubvunzo uyu vachiti Zimbabwe Electoral Commission ndiyo inoona nezvesarudzo.

Tichiri panyaya yesarudzo iyi, boka rinoona nezvesarudzo, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rati riri kukurudzira veruzhinji kuti vaende kumahofisi amabharani mukuru wenyika, kwaRegistrar General, kuti vano dzimisa mazita ehama dzavo dzakafa kubva mugwaro revavhoti kana kuti voters’ roll.

Mutewedzeri wasachigaro weZEC, Amai Joyce Kazembe vaudza Studio 7 kuti Registrar General havana masimba ekubvisa vanhu vanenge vafa pagwaro revavhoti, kusvika paita vehukama vanoenda kuno vadzimisa.

Amai Kazembe vati iyi ndiyo chete nzira ingaita kuti gwaro revavhoti richeneswe, sezvo paine vanhu vakawanda zvikuru vachiri pavoters’ roll asi ivo vakafa kare-kare. Boka reZEC ndiro rinotarisirwa kutora masimba ekubatwa kwevoter’s roll, iyo ichiri pasi pehofisi yaVaTobaiwa Mudede.

Bhiri reElectoral Ammendment riri kukurudzira kuti panyorwe rimwe gwaro revavhoti idzva, uye kuti pave nemagwaro evavhoti papolling station yogayoga.

Ongororo yevoters’ roll reZimbabwe yakaitwawo gore rapera nesangano reSouth African Institute of Race Relations yakaratidza kuti pane vanhu vano darika mamiriyoni maviri nechidimbu vachiri pagwaro iri asi ivo vakafa kare kana kuti vave kunze kwenyika.

Mamwewo masangano, kusanganisira mapato eMDC, anoti haasi kufara nekuumbwa kwakaitwa boka reZEC, iro ari kukurudzira kuti riparadzwe kusarudzwe vatungamiri vatsva sarudzo dzisati dzaitwa.

ZEC inotiwo inoda mari inosvika $220 million yekuita sarudzo gore rinouya pamwe nereferendamu yebumbiro remitemo idzva riri kunyorwa.Chikumbiro ichi chinonzi chatoendeswa kune gurukota rezvemari VaTendai Biti.

Mukuru weZimrights, VaOkay Machisa, vati vanotambira kurudziro yeZEC yekuti vanhu vadzimise hama dzavo, asi vati ZEC ndiyo infanirwa kutanga hurongwa uhwu, vanhu vozotevera mumashure. Vatiwo zvakakosha kuti panyorwe gwaro revavhoti idzva, asi izvi zvinoda mari yakawanda.

XS
SM
MD
LG