Nhumwa yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu pasi rose, VaClement Nyaletsossi Voule, vanoti pane kusawirirana kusina kunaka muZimbabwe, uko vati kunofanirwa kugadziriswa nechimbi chimbi.
Vachitaura mushure mekupedza basa ravakafambira muZimbabwe, VaVoule vati kusawirirana kuri munyika kunogona kupedzwa nenhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika, vanoshandira masangano akazvimiririra, pamwe neruzhinji.
VaVoule vati kunyange hazvo vanhu vemuZimbabwe vaive netarisiro yekuti zvinhu zvichachinja munyika nekuda kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vakaona kuti vanhu vazhinji havasisina chivimbo nehurumende iripo iyi.
Vatiwo kunyange hazvo hurumende yeZimbabwe iri kuda kubvisa mutemo wePublic Order and Security Act uyo vati unokanganisa kodzero yekuungana nekusangana, vati mutemo weMaintanance of Peace and Order Bill uri kuda kuiswa hauzadzikisi kodzero dzaityorwa nemutemo uri kuda kubviswa.
VaVoule vakurudzira hurumende kuti igadzirise MOPA kuti ienderane nekodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika.
VaVoule vashorawo nyaya yekupiwa simba kwemauto kuti ave achikwanisa kudeedzwa panenge paine vanhu vakaungana kana paita mhirizhonga. Vati izvi hazvisi izvo zvinotarisirwa nemitemo yenyika dzepasi rese.
VaVoule vati zvakanakirawo nyika kuti vanhu vapiwe mukana wekuungana kuti vataure zvavanoda pamwe nenyunyutodzavo vachiti zvinobatsira kuti vanhu vasazoshandise nzira dzisiri pamutemo huye dzinogona kukanganisa zvinhu munyika.
Vatiwo vakanzwa nezvekusabatwa zvakanaka kunoitwa vanorwira kodzero dzevashandi vakapa muenzaniso wekupambwa kwevakafanobata chigaro chemutungamiriri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Peter Magombeyi, nevanhu vasingazivikanwi.
VaVoule vakurudzirawo hurumende kuti isashungurudze vanorwira kodzero dzevashandi nekuvaendesa kumatare edzimhosva kana pachinge paitwa mhirizhonga mukuratidzira.
Vakurudzira hurumende kuti pachinzvimbo chekusunga vanenge vadaidzira musangano, inofanirwa kusunga vanenge vachiita zvisakarurama zvakadai sekuputsa zvitoro nekupisa zvinhu.
VaVoule vati ibasa rehurumende kugadzirisa zviri kunetsa munyika asiwo vakati izvi zvinogonekawo kana nyika dzekunze dzikabastirawo.
Vatiwo zvakakosha kuti hurumende igadzirise zviri kukonzera nyunyuto munyika. Vatiwo kuvandudzwa kwemashandiro evanochengetedza nyika, pamwe nekuvapa dzidziso, kunogona kubatsirawo.
Gwaro rabudiswa naVaVoule ratambirwa nevanoshanda nemasangano akazvimiririra vachiti izvi ndozvavanogarotaura. Mumwe wevataura ndiVaOwen Dhliwayo avo vati zvavanogarotaura, zvinosanganisira kusatambirwa kwepfungwa dzakasiyana, ndizvo zvataurwawo nenhumwa yeUN iyi.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, varamba kutaura nezvemashoko aVaVoule, vakati tibate gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, avo tisina kukwanisa kubata panharembozha yavo.
VaVoule vanga vari munyika kwemazuva gumi vachiongorora mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu.
Facebook Forum