Accessibility links

Breaking News

Amai Douhan Vanoti Zvirango Hazvisi Pamutemo


UN Special Rapporteur on Negative Impact of Unilateral Coercive Measures on Human Rights, Alena Douhan, speaks during a news conference in Caracas
UN Special Rapporteur on Negative Impact of Unilateral Coercive Measures on Human Rights, Alena Douhan, speaks during a news conference in Caracas

Nhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vanga vari munyika kwemazuva gumi adarika vachiongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzevanhu uye kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira vakurudzira Zimbabwe kuti iite nhaurirano dzechokwadi nenyika dzakatemera zvirango nechinangwa chekuti zvirango izvi zvigobviswa.

Vachitaura nevatori venhau pamahofisi eUnited United emuno vachipendera rwendo rwavo rwemazuva gumi vari munyika umo mavanga vachiongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzevanhu uye kuti zvirango zvakanganisa hupenyu hweveruzhinji zvakadii, Amai Douhan vati zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira dzakaita seAmerica, Australia, Canada, neSwitzerland pamwe nesangano reEuropean Union, hazvisi pamutemo.

Amai Douhan vati zvirango izvi hazvina kubvumirwa neUnited Nations Security Council. Vatiwo zvirango zvakatemerwa vamwe vanhu pamwe nemabhanga nemamwe makambani nehurumende yeAmerica ichishandisa mutemo weZidera hazviwirirane nezvinangwa zvemitemo yeInternational Monetary Fund, IMF, iyo inosimbaradza nyaya dzekudyidzana munyika dzakasiyana-siyana zvakazokonzera kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa munyika uye hupfumi hwenyika huwire pasi.

Amai Douhan vati zvirango izvi zvakanganisa veruzhinji muZimbabwe mukuwana chikafu, hutano hwakanaka, dzidzo, mvura yokunwa yakachena nezvimwe. Vatiwo zvirango izvi zvakakonzera kuti veruzhinji vatadze kuwana chokufambisa sezvo makambani mazhinji arikutadza kutenga ma spare parts kubva kunyika dzakatemera Zimbabwe zvirango.

Amai Douhan vati zvirango izvi zvinotyorawo kodzero dzeveruzhinji uye vatiwo zvirango izvi zviri kukonzera kuti vanhu vakawanda vatize munyika vachienda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro.

Asi Amai Douhan vakaurudzira kuti hurumende yeZimbabwe iite nhaurirano nenyika dzakaisa zvirango izvi kuitira kuti zvigobviswa vachiti Zimbabwe pamwe nenyika dzekunze dzakaisa zvirango izvi hadzifanire kushandisa nyaya dzezvirango kuti dzitsvage rutsigiro kususukidza zvinenge zvichidiwa kuti zviitwe neZimbabwe kana nyika dzakatemera zvirango izvi.

Amai Douhan, avo vakurudzirawo kuti muZimbabwe mutevedzerwe mitemo pamwe nekuita nhaurirano dzechokwadi pakati pehurumende, mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira mukugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, vakurudzirawo America kuti isiyane nekushandisa mutemo weZidera vachiti haufambirane nechisungo chenyika dzepasi rose chinobata nyaya dzekodzero dzevanhu che International Covenent on Civil and Political Rights.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati vane chivimbo chekuti nyika dzakaisa zvirango izvi dzichazvibvisa sezvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakatotanga nhaurirano nenyika idzi pasi pehurongwa hwekugadzirisa hukama hweZimbabwe nenyika dzekunze kana kuti international re-engagement.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati havaone nyika idzi dzichikurumidza kubvisa zvirango izvi vachiti hurumende inofanira kutanga yagadzirisa nyaya dzekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu pamwe nehuori hwapfunya chisero munyika.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, nhengo yekomiti inoona nezvinoitika kunze kwenyika mudare reSeneti muAmerica, VaJames Risch, vatiwo Zimbabwe iri kuswera ichiimbira mugaba kunze kwekuti igadzirise matambudziko akatarisa nenyika akafanana nekumisa nyaya dzehuori nekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuruidzira kuti Zimbabwe ivandudze nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

Amai Douhan vati vakasangana nevamasangano anoshanda akazvimirira vashomanana vachiti mamwe masangano anoshanda akazvimirira akaramba kusangana navo.

Asi mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati havaoni nyika dzakatemera vakuru vakuru muZimbabwe zvirango dzichitambira gwaro raAmai Douhan.

Amai Douhan vakurudzira mamwe masangano avasina kukwanisa kuona pamwe neveruzhinji kuti vavatumire miono yavo vachinge vadzokera vachiti vachine nguva yakawanda yekunyora gwaro ravo rizere iro ravachasvitsa kumusangano weUnited Nations Human Rights Council uchaitwa muna Gunyana wegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG