Accessibility links

Breaking News

Sangano reMopane Robatsira Nherera Dzakawanda Munyika


Mopane Foundation Kids Bulawayo

Rimwe sangano rakavambwa nechimwe chizvara cheZimbabwe chiri kuBritain riri kubatsira kubhadhara mari yechikoro yedzimwe nherera dzinobva kumaruwa akasiyana siyana munyika.

Chinhu chinogona kushamisa vakawanda kuti kune vamwe vanhu vari kumaruwa vasati vambotsika mudhorobha.

Phillip Ndlovu, ndemumwe wevanhu vange vasati vambosvika mudhorobha rakaita seBulawayo.

Phillip ane makore gumi uye ndemumwe wenherera makumi matatu neshanu dziri kubatsirwa nesangano reMopane Foundation International.

Mukuru weMopane, Muzvare Nomsa Neke, vakaberekerwa kuKezi mudunhu reMatebeleland, asi vave kugara kuBritain.

Vakanyoresa Mopane sesangano rinoshanda rakazvimirira muBritain mugore ra2015.

Musangano iri, Muzvare Neke vanoshandawo nezvimwe zvizvarwa zvemuZimbabwe zvitanhatu zvinogarawo kuBritain.

Muzvare Neke vanoti vakafunga kuvamba sangano rekubatsira nherera dzekumaruwa nekuti ivo semunhu akakurira kumaruwa vanoziva kushaya mikana yekusimukira kunosangana nevanhu vakadaro, vachitiwo kuvaunza mudhorobha kwavakaita vana ava kuedza kuti vazive humwe hupenyu husiri hwekumaruwa chete.

Vana ava vakaendeswa kunoona nzvimbo dzakasiyana siyana dziri muguta reBulawayo nedzimwe dziri pedyo.

Phillip anoti akafadzwa nekushanyira kuFire Brigade uye anoti kana akura anoda kuzove mupurisa.

Thandiwe Dube ane makore gumi nematatu ekuberekwa uye ari muGrade7.

Thandiwe, uyo anodzidza pachikoro chimwe chete naPhillip, ari kubatsirwawo neMopane.

Mudzidzisi pachikoro cheDlodlo Primary, Amai Sekai Makovere, vanorumbidza basa riri kuitwa neMopane Foundation vachiti kunze kwekubhadhara mari yechikoro yevana vanoshaya ava, sangano iri riri kuvatengerawo mbatya dzekupeka.

Vana vari kubatsirwa neMopane vanobva kumaruwa akasiyana siyana munyika uye vana ava vanosarudzwa kuchitariswa kushaya kwavanoita.

Sangano iri rinowana mari nezvimwe zvikwanisiro kubva kune mamwe masangano, makambani uye vanhuwo zvavo vanobastira nenzira dzakasiyanas-siyana.

Munguva pfupi yapfuura kambani yeEdgars yakabatsira sangano iri nechikafu pamwe nembatya dzechikoro dzevamwe vevana vari kubatsirwa neMopane.

Mukuru wezvekudyidzana neveruzhinji mukambani yeEdgars, VaLuke Chipepera, vanoti idonzvo rekambani yavo kubatsira vanhu vanotambura.

Vakuru vanoti chitsva chiri murutsoka. Kubatsira vechidiki kuti vazive humwe hupenyu kuri kuitwa neMopane kunogona kubatsira kuti vazowana mimwe mikana muhupenyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG