Mutungamiri wenyika yeUganda VaYoweri Museveni, vavhura zviri pamutemo chirongwa cheZiimbabwe International Trade Fair, ZITF, vachiti nyika dzeku madokero dzinofanirwa kubvisa zvirango zvadzakatemera Zimbabwe.
VaMuseveni vati zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero zviri kuvhiringidza mamiriro ezvehupfumi munyika.
VaMuseveni vati kuisira dzimwe nyika zvirango zvinoratidza hugwara.
VaMuseveni vatiwo nyika dzemuAfrica dzinofanirwa kubatana kuitira kuti dzikwanise kurwisa zvinhu zvakaita sezvirango.
Mumwe mutapi wenhau ave nemakore akawanda achiita basa iri, Tapfuma Machakaire, ati anobvumirana naVaMuseveni kuti zvirango zviri kukanganisa mamiriro ezvehupfumi munyika.
Machakaire ati kunyange hazvo zvirango izvi zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru vehurumende pamwe nemamwe makambani ehurumende, kuvepo kwazvo kuri kuita kuti veruzhinji vatambure.
Asi mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti John, ati maonero ake ndeekuti zvinhu munyika zviri kuramba zvakaoma nekuda kwekutadza kutungamira kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
VaMuseveni vati Zimbabwe ine hupfumi hwakawanda kusanganisira zviwanikwa uye zvirimwa zvakasiyana-siyana.
Asi vati zvakakosha kuti zviwanikwa izvi zvisatengeswa kunze kwenyika zvisina kugadzirwa kuve zvimwe zvinhu zvinogona kuzotengeswa zvichiwanisa nyika mari yakawanda.
VaMuseveni vakambovhura gungano reZITF zviri pamutemo zvekare mugore ra1989.
Vati vafara kuve munyika vachiti pane hukama hwakasimba pakati penyika yavo neZimbabwe vakatora mukana wekukoka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vashanyire nyika yavo.
Kukokwa kwaVaMuseveni kuti vazovhura ZITF kwakakonzera mutauro munyika vamwe vachiti havaifanirwa kunge vakakokwa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakaudza Studio7 kuti havana kufara nekukokwa kwaVaMuseveni muZimbabwe vachiti VaMuseveni munhu anodzvanyirira kodzero dzevanopikisa muUgunda.
Asi hurumende inoti yakakoka VaMuseveni senhengo yeAfrican Union, uye munhu anodiwa nevanhu vemunyika make.
Facebook Forum