Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheTyphoid Chovhiringa Vakawanda muMbare


FILE - Typhoid patients in Harare, Zimbabwe.
FILE - Typhoid patients in Harare, Zimbabwe.

Chirwere che typhoid chanyuka muHarare zvakare zvave kupa kuti veruzhinji vatyire hupenyu hwavo sezvo kanzuru iri kutadza kutakura marara pamwe nekugadzirisa pombi dzinotakura tsvina munzvimbo dzakawanda muguta iri.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti zvipatara zvekanzuru yavo zvarapa vanhu vakawanda mumusha unogara veruzhinji weMbare mushure mekuwanikwa vaine chirwere che typhoid.

Kunyange hazvo pasina vati vafa nechirwere ichi, vagari vemuMbare vakaita saMuzvare Vongai Mbedzi vanoti chirwere che typhoid hachingarege kubata vanhu sezvo pombi dzinotakura tsvina yemuzvimbuzi dzichigara dzakatushuka.

Mumwe mugari wemuMbare makare, VaTitus Nhongonhema, vanoti kusatakurwa kwemarara nekusagadzirwa kwepombi dzinotakura tsvina kuri kukonzerawo kuti zvirwere zvakaita se typhoid zvipfunye chisero muMbare vachiti vave kutyira kuti chirwere ichi chichapararira neguta rose kana dambudziko iri rikasagadziriswa.

Zvichakadai, VaChideme vanoti kanzuru yavo yakaisa dumba riri kushandiswa sechipatara kuMatapi muMbare richange risingavharwe kunyange nehusiku kuti vanhu vakwanise kurapwa.

Hatina kukwanisa kutaura naMeya weHarare kuti tinzwe kuti sei kanzuru yavo iri kutadza kutakura marara pamwe nekugadzirisa pombi dzinotakura tsvina yemuzvimbuzi.

Asi mumwe kanzura mukanzuru yeHarare, VaCharles Nyatsuro, vakurudzira veruzhinji kuti vasarasire marara pese pese vachiti izvi zvinoita kuti chirwere che typhoid nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekusashambidzika kwenzvimbo zvisapararire.

VaNyatsuro vati kanzuru yavo iri kutadzawo kutakura marara sezvo isina motokari dzakakwana kunyange hazvo vakatenga dzimwe motokari svondo rapera.

Gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vaudza Studio7 parunhare kuti bazi ravo richashanda zvakasimba nekanzuru yeHarare kuedza kupedza chirwere chetyphoid kuMbare.

Gore rapera pane vanhu vaviri vanonzi vakaurayiwa nechirwere che typhoid muHarare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG