Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheTyphoid Chodzikira muMbare


Harare Irikurwa Nekupedze Chirwere cheTyphoid
Harare Irikurwa Nekupedze Chirwere cheTyphoid

Bazi rezveutano muHarare City Council rinoti huwandu hwevanhu vari muchipatara nekuda kwechirwere cheTyphoid huri kudzikira panguva iyo kanzuru iri kuenderera mberi ichiongorora kutapuriranwa kwechirwere ichi.

Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vati vanhu vatatu vanogara kuMatapi ndovachiri muchipatara mushure mekubatwa nechirwere ichi pavanhu makumi matatu vakawanikwa vaine chirwere ichi.

VaChonzi vati kunyange hazvo huwandu hwevari muchipatara hwadzikira, vachagara vakagadzirira misi yose sezvo chirwere ichi chichigona kungonyuka chero nguva.

Dr Chonzi vatiwo chirwere cheTyphoid chinonetsa kupedza mumusha weMatapi kuMbare sezvo kune vanhu vakawandisa kupinda vanotarisirwa kugarako.

VaChonzi vati kuMatapi kuri kugara vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezviviri pachinzvimbo chevanhu zviuru zviviri zvine zana nemakumi mana.

Dr Chonzi vatiwo maonero avo ndeekuti vanhu vari kugara kunzvimbo iyi vabviswe vonogariswa patsva senzira yekupedza dambudziko rechirwere ichi.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vatiwo kanzuru ine hurongwa hwekubatana nerimwe bhanga kuti vavake pekugara patsva voputsa dzimba dzekuMatapi.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti Zimbabwe ichiri kutambudzwa nechirwere cheTyphoid chisingachawanikwi mudzimwe nyika.

VaMasitara vatiwo dambudziko reTyphoid iri rinogona kuva rakakura pane zviri kutaurwa nekanzuru yeHarare vachiti vamwe vanhu vanonorapwa kunana chiremba vavo zvinozoita kuti kanzuru ingonyora vanhu vanopfuura nemuzvipatara zvayo.

VaMasitara vakurudzira kanzuru yeHarare kuti iwanise vagari mvura yakachena pamwe nezvimbuzi zvakakwana kuti dambudziko reTyphoid ripere.

VaChonzi vati chirwere cheTyphoid chinoonekwa nekunzwa musoro, mudumbu, kupisa muviri kana kuita manyoka.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG