Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanopihwa Menduru yeKurwira Kodzero neFrance


Tsvangirai vanoremekedzwa neFrance
Tsvangirai vanoremekedzwa neFrance
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vapihwa mhenduru nehurumende ye France yekurwira kodzero dzevanhu pamwe nehutongi hwejekerere munyika.

Va Tsvangirai vatambidzwa menduru iyi nemumiriri wehurumende ye France muZimbabwe, Va Francois Ponge, pahurongwa hwaitirwa muHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaPonge vati Va Tsvangirai vakaratidza hushingi pavakaronga kuti vashandi pamwe neveruzhinji varatidzire vari pasi pesangano revashandi reZCTU muna 1998 pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu uku mari dzaitambirwa nevashandi dziri shoma.

Vati VaTsvangirai munhu ari kurwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere pamwe nekuregererana zvichitevera sarudzo dzine mhirizhonga dzakaitwa muna 2002 pamwe nemuna 2008.

Mumashoko avo ekutambira menduru iyi, Va Tsvangirai vati menduru iyi ndeyezvizvarwa zveZimbabwe zvaishungurudzwa nehurumende.

Vatiwo vane chivimbo chokuti sarudzo dzakatarisirwa munyika dzichaitwa zviri pachena uye zvisina mhirizhonga sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mazuva ano vari kumhanya nezwi rekuti munyika muve nerunyararo.

Menduru iyi, iyo yakatangwa namuchakabvu Napoleon Bonapate makore mazana maviri adarika, inowanzopihwa zvizvarwa zvemu France zvinenge zvaita zvinhu zvinoshamisa zvinobata kusimudzirwa kweveruzhinji.

Asi VaPonge vati menduru iyi yave kupihwawo vanhu vasiri zvizvarwa zve France kubudikidza nebasa ravanobata munyika dzavanogara.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG