Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri vaVaTrump Vanoratidzira muWashington DC


2020 Election Protests Washington

Vanhu vari kutsigira mutungamiri we America, VaDonald Trump, mumashoko avo asina huchapupu ekuti sarudzo dzemuAmerica dzakabiridzirwa, vaswera vaine hurongwa hwekuratidzira munzvimbo dzakasiyana siyana muguta guru reWashington mudunhu re District of Columbia.

Makungano ekuratidzira aya anga akarongwa muguta rose reWashington, vamwe vachiratidzira pasi pehurongwa hwemasangano anoti; Million MAGA March, Women for Trump, uye ne Stop the Steal.

Vari kutungamirwa hurongwa hwakasiyana siyana uhu, vari kuburitsa mashoko asina humbowo mukati pamwe nechokwadi chizere achiti sarudzo yemutungamiri wenyika, yakabiridzirwa zvemhando yepamusoro soro, nokudaro inofanirwa kudzivirirwa zvakasimba.

VaTrump vari kuramba kutambira kuti vakakundwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, avo vakanzi nemasangano enhau, kusanganisira Fox News yagara ichitsigira VaTrump, ndivo vakakunda musarudzo iyi.

VaTrump vari kuti pane zvakaitwa mumamwe matunhu zvinotyora mitemo yesarudzo, kunyange hazvo pasina vakuru vakuru vematanhu vati vazivisa kutyorwa kwekadzama kwemitemo yesarudzo, kunze kwedunhu reGeorgia riri kuverenga zvakare mavhoti sezvo mitemo yedunhu iri, ichisungira kuti kuverengwa kwemavhoti kudzokororwe kana paita mutsauko wemavhoti ari pasi pe 0.05% pavanhu vari kukwikwidzana.

Georgia inonzi ine vanhu mamiriyoni mashanu vakavhota uye mutsvauko uripo une vanhu zviuru gumi nezvina, 14,000 votes vakavhotera VaBiden pamusoro pevanhu vakavhotera VaTrump.

Izvi zvinosiya pane mutsauko we 0.03%, uyo uri pasi pe 0.05%.

Maawa maviri kuratidzira kwekutsigira VaTrump kusati kwatanga, VaTrump vaonekwa vari mumotokari dzavo dzakaita mudungwe dzichipfuura nemumugwagwa, Pennsylvania Avenue, vachinyemwerera pamwe nekusimudzira vanhu maoko avo sechiratidzo chekufarira zviri kuitwa nevanhu ava.

VaTrump vapfuura nemu Freedom Plaza vachienda kunotamba gorufu mudunhu rine muganhu ne District of Columbia, reVirginia.

Vatsigiri vaVaBiden, avo vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri weAmerica wechimakumi mana nematanhatu, vanga vari muWashington DC zvakare vachiratidzirawo kutsigira kwavo VaBiden.

Vatsigiri ava vanga vakaungana paBlack Lives Matter vaine zvinyorwa zvakanzi Biden Won.

Kunyange hazvo hurumemende isati yatambira kukunda kwaVaBiden, mugari wekuDelaware uyu ari kutoronga hurumende yake itsva, uye akadoma vanhu mazana mashanu vachange vachifambisa basa rekutambidzana masimba.

Asi bazi rehurumende rakakosha, reGeneral Services Administration, harisati ratambira kukunda kwaVaBiden, izvo zviri kuripa kuti risape chikwata chaVaBiden svumbunuro dzekushandisa mahofisi ehurumende pamwe nemari inoita $9,9 million inofanirwa kupihwa VaBiden kuti vashandise mukugadzirira hurumende yavo.

Chikwata chaVaBiden chine mutoro mukuru wekuona kuti chabuda nemazita evanhu vanosvika zviuru zvinomwe vachange vachitungamira mapazi akasiyana siyana ehurumende pamwe nekuva vakuru vatsva muzvinzvimbo zvakawnda muhurumende.

Pavanhu ava, vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi mashanu vanofanirwa kutambirwa nedare reSenate mushure mekunge vaongororwa kuti vanokodzera here kuva vashandi vakuru muhurumende.

Kuongororwa kwenhoroondo dzavo kunoda mari yakawanda zvikuru.

Kunyange hazvo vasati vapihwa rubatsiro nehurumende, VaBiden vanokwanisa kushandisa imwe yemari yavakapihwa yekuti vashandise muhurongwa hwavo hwekuti vasarudzwe semutungamiri wenyika.

Mari iyi inopihwa vose vanenge vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, kunyange hazvo mapato avo achizvitsavagirawo ega mari idzi.

Kunonoka kutambidzwana kwemasimba muAmerica kwakaitikawo muna 2000 zvichitevera danho rakatorwa nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaAl Gore, rekupikisa zvakabuda musarudzo dzemu Florida.

Asi dare repamusoro soro rakabuda nemutongo wekatambira kuti VaBush ndivo vakanga vakunga musarudzo yemutungamiri wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG