Accessibility links

Breaking News

Transparency International Inoti Mapurisa Anyanya Huwori


Sangano re Transparency International-Zimbabwe rinoti mapurisa emuZimbabwe ndiwo ari pamberi pakuita huori. Sangano iri rinoti mushure memapurisa pakuita huori inhengo dzeparamende nevashandi vemuhurumende.

Muongororo itsva yaburitsa neChina mugwaro rinonzi "Global Corruption Barometer 2011 - Zimbabwe", Transparency International inoti yakataura nezvizvarwa zveZimbabwe zvinopfuura chiuru munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Sangano iri rinoti vanhu ava vaichema chema nenyaya yehuwori munyika umo vanhu vari kubhadhariswa zvioko muhomwe kuitira kuti vabatsirwe pazvinhu zvinofanirwa kunge zvichiwanikwa pachena.

Zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zveavo vakataurwa navo zvinoti nyaya dzehuwori munyika dziri kuwanda zvakanyanyisa.

Vanoona nezvemabasa mu Transparency International Zimbabwe, VaFrank Mpahlo, vanoti zvavakabuditsa zvinoratidza kuti hurumende yemubatanidzwa yatadza kugadzirisa zvinhu kuti ipedze huwori.

Hurumende yaimbenge iine bazi rinoona nezvehuori, iko zvino yave nekomisheni inoona nezvehuori asi vakawanda vanoti zvose izvi kupedza nguva kuteya nzou neriva.

Vamwe vanoti mviromviro dzehuori dzakabva mukuregererwa kwakaitwa vanhu vachiita madiro zvikuru nebato reZanu-PF. Iro bato reZanu-PF raive nemutemo waro weLeadership Code yakatambirwa muna1984, iyo yaisungira vose vakuru vebato kuti vaburitse pachena hupfumi hwavanaho, uye kuti vakahuwana seyi.

Makurukota akawanda ebato reZanu-PF ave nehupfumi zvekuti vakawanda havazive kuti hwakabva nekupi.

Nhengo yeZanu PF muparamende, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti mitemo yehuori inofanira kuomesera vanoita zvehuori.

Asi nhengo yeMDC-T muparamende, VaPaul Madzore, vanoti hurumende yeZanu-PF ndiyo yakaunza huori.

XS
SM
MD
LG