Accessibility links

Breaking News

TIMB Inovhara Misika yeFodya Ichifara, Asi Varimi Vachisara Vakasuwa


Tobacco Auction Floors 6
Tobacco Auction Floors 6

Tobacco Industries Marketing Board (TIMB) inoti mwaka wekutengesa fodya wakabudiria gore rino zvisinei kuti kwaive nedenda reCovid-19. Asi varimi vanoti havasi kufara sezvo vasina kuona kukosha kwefodya yavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vachitaura neStudio7 mushure mekuvharwa kwemisika yefodya, mukuru weTIMB, VaMeanwell Gudu, vati zvange zvakaoma kutengesa fodya panguva yeCovid -19.

Vati vakarasikirwa nevarimi, vatengi vefodya nevamwe vanoshanda muindasitiri asi vakati mwaka wakafamba zvakanaka chose.

Vatiwo denda iri rakavavhura meso vachiti rakaita kuti vavhure misika yekutengesa fodya kunzvimbo dzakaita seKaroi neMarondera, uko vati kwakatengwa zvikamu makumi mana nechimwe zvefodya yese gore rino.

Asi varimi vaudza Studio 7 havana kufara nemitengo yefodya, mabatirwo avaitiwa kumisika nezvimwe.

Mumwe murimi asina kudomwa nezita audza Studio 7 kuti anogona kusarima fodya nekuti haasi kugutsikana nemamabitirwo aakaitwa.

Mukuru weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vati ichokwadi kuti varimi vakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kutorerwa fodya yavo nemakoronyera aivapa mari shomanana achizonotengesa fodya iyi kumisika nemari yepamusoro.

VaZakariya vatiwo rimwe dambudziko guru rakatarisana nevarimi nderekuti vaya vanobatsirwa nemakambani nezvekurimisa kana kuti, Contract Farming, havana chavanobura sezvo vachizobatirwa mari yakawanda kana kupetwa kaviri pane mitengo yezvinhu zvavanenge vapihwa.

Zvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwekubva muzana zvefodya yese inorimwa munyika zvinoitwa pasi peContract Farming iyo inotsigrwa nemakambani ekunze kwenyika.

VaZakariya vati mambani ekunze aya anodzvinyira varimi.

Asi VaGudu vati Contract Farming ndiyo nzira yave kushandiswa pasi rose uye hapana chitsotsi chinoitika apa.

VaGudu naVaZakariya vanobvumirana kuti hurumende inofanira kutsigira mabasa ekurimwa kwefodya pachishandisa makambani akaita seAgricultural Finance Corporation kuitira kuti mari inowanikwa pakutengesa fodya isabude munyika yese.

Misika yefodya yakavhara nezuro asi fodya yakarimwa pasi peContract Farming icharamba ichitengeswa kwemavhiki anotevera.

Kusvika pari zvino patengeswa makirogiramu mamiriyoni zana nemakumi masere nemashanu (185) anokosha mamiriyoni mazana mashanu negumi nemanomwe emadhora ekuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG