Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Voshaiswa Mufaro neMutengo weFodya


Tobacco auction in Harare

Kunyange hazvo hurumende yakabvisa mutero wezvikamu zviviri kubva muzana weElectronic Transaction Tax pakutengwa kwefodya, varimi vari kunyunyuta kuti mutengo wefodya uri kuramba uri pasi.

Asi vemisika yefodya vanoti mitengo yave kukwira kana zvichienzaniswa nemitengo yaivepo pakavhurwa misika iyi svondo rapfuura.

Pakavhurwa misika yefodya neChitatui chapfuura, varimi vakawanda vakabvisa fodya yavo pamusika nekuda kwekuti mutengo waive pasi zvakanyanya sezvo vanotenga fodya vaigunun’una kuti vazorasikirwa nemari yakawanda nekuda kwemutero weElectronic Transfer Tax pakutenga fodya.

Asi zvichitevera kubviswa kwemutero uyu svondo rino, mitengo yefodya haina kukwira zvakanyaya, izvo zvisiri nkufadza varimi.

Ongororo yaitwa neStudio 7 pamisika yefodya inoratidza kuti varimi vakawanda vachiri kugunun’una nemitengo iyi.

Murimi wekuKazangarare kuKaroi, VaLast Kawani, vaudza Studio7 kuti vanoona sekuti mitengo yakaderedzwa nenyaya yekuti madhora ekuAmerica haasisina kufanana huremu nemaRTGS dollars.

Mumwe murimi, VaNomore Sakala, avo vataura neStudio7 mushure mekutengesa fodya yavo pamusika weTobacco Sales Floor, TSF, vati mutengo wange uri pasi pewavange vakatarisira.

Nhasi mutengo wepasi pasi paTSF wange uri dhora rimwe chete pakirogramu kana zvichienzaniswa nemasenzi makumi mashanu pakirogiramu pakavhura misika svondo rapfuura.

Kumusika weBoka Tobacco Floor, zvinhu zvange zviri kufamba zvakanaka uye vanoona nekufambiswa kwebasa pamusika uyu, VaMoses Bias, vati vese vanotenga fodya vave kuuya kumusika wavo zvichitevera kugadziriswa kwezvichemo zvavo nehurumende.

Vatiwo kuwanda kwevanotenga ndiko kwave kuita kuti mutengo wefodya ukwire pamusika wavo.

Mumashoko avo atsigirwa nevamwe vanotenga fodya, VaBias vati mutengo wefodya unenge wakadzikira pamazuva ekutange sezvo varimi vachitengesa mhando yepasi vachiti vanotarisira kuti mitengo iyi ichakirwa zvinofadza varimi.

Zvichakadai, varimi vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe neTobacco Industiries Markeing Board, vakadzokera kumushure pachibvumirano chavainge vaita chekuti varimi vaizopihwa imwe mari yavo ari madhora ekuAmerica, imwe iri maRTGS.

Zvichitevera kuvhurwa kwemisika yefodya, varimi vave kupihwa mari yavo yese ari maRTGS asi vachipihwa mikana wekutenga madhora ekuAmerica kumabhanga avo kana vachida kuita izvi.

Gore rapfuura, Zimbabwe yakawanda mari inosvika bhiriyoni remadhora ekuAmerica kubva mukutengesa fodya kunze kwenyika.

Asi gore rino mari iyi ichadzikira sezvo imwe fodya yakaparadzwa nezuva uye imwewo iparadzwa neCyclone Idai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG