Zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvakafa mutsaona yakaitika muBotswana nezuro, uye vamwe vanhu gumi vanonzi vakakuvara zvakaipisisa mutsaona iyi.
Tsaona iyi yakaitika mushure mekunge mutyairi wemotokari yaive nevanhu ava atiza mapurisa achimhanya zvakanyanisa, asi ndokutadza kuchengetedza motokari yake iri mumugwagwa izvo zvakaita kuti ibheuke, ndokuuraya vanhu vatatu.
Mukuru wemapurisa epaTshesebe muBotswana, VaAmos Kekgathetse, vaudza Studio7 parunhare kuti tsvagiridzo yekutanga yaratidza kuti mota iyi yanga yakatakura zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro ekufambisa gumi nezvitatu.
VaKekgathetse vati njodzi iyi yakaitika mushure mekunge mota yeToyota Wish, iyo isina kumira payaimiswa nemapurisa, izvo zvakaita kuti mapurisa vaitevere.
Mapurisa emuBotswana achiri mubishi rekutsvaga hama dzevanhu vakakuvara mutsaona iyi achiti vaviri vakafa munjodzi iyi vakwanisa kuzivikanwa nehama dzavo.
VaNyikadzino Jonga, avo vane makore makumi mana nemana vachibva kwaMadamombe kwaMurehwa, vakakwanisa kuziva hanzvadzi dzavo mbiri dzakafa munjodzi iyi.
VaJonga vaudza Studio7 kuti hanzvadzi dzavo ndi Muzvare Itai Jonga, avo vane makore makumi mana nemairi pamwe chete naMuzvare Auxillia Jonga, avo vanga vava nemakore makumi maviri nemasere.
VaJonga vati kushaya kwehanzvadzi dzavo mbiri idzi kwaminamisa mamiriro ezvinhu mumhuri yavo sezvo vaviri ava ndivo vanga vachibatsira kuriritira mumhuri dzavo.
VaStewart Matikiti, avo vaishandirwa nemufi Itai Jonga kwemakore masere mudhorobha reFrancistown, vati varasikirwa zvikuru sezvo mufi ange ari munhu anovimbika zvikuru.
Mumwe muzvinabhizimisi mudhorobha reFrancistown, VaLoveson Manase, vakuridzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvigare zvakabatana uye zvibatsirane muhupenyu.
Vachitaura neStudio7 parunhare, mumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro, vati mhuri dzarasikirwa dzicheme netariro munguva yakaoma iyi.
Mwedzi wakapera, VaMukonoweshuro vakashanyira zvizvarwa zveZimbabwe muFrancistown vachizvikurudzira kuti zvive nemagwaro ekufambisa kuitira kuti zviite nyore mukuva nemvumo yekugara muBotswana.
Facebook Forum