Accessibility links

Breaking News

Zviuru Zvakawanda Zvinopinda Mukuratidzira kweMDC Alliance muHarare


MDC Alliance ZEC March 3
MDC Alliance ZEC March 3

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvaratidzira muHarare zvichiti zvinoda sarudzo dziri pachena uku mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiti vachange vachishambadza musi wesarudzo zvinenge zvabuda panzvimbo yekuvhotera yega yega kuitira kuti sarudzo dzisabiridzirwe.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance izvo zvanga zvichitungamirwa naVaChamisa zvafora muHarare kubva paAfrica Unity Square kunosvika kumahofisi ekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, nekudzoka zvichiti hazvisi kufara nemafambiro ari kuita komisheni iyi nyaya dzesarudzo

Vasati vatanga kufora, munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza vatsigiri vavo paAfrica Unity Square kuti havasi kufara nekunyimwa kwavari kuitwa neZec gwaro revavhoti rine mifananidzo yevanhu vakanyoresa kuvhota musarudzo dzekupera kwemwedzi uno uye kusaziva mamiriro akaita mapepa ekuvhotera kana kuti ballot paper.

Vachitaurawo mukupeta kuratidzira uku mushure mekusiya kwavaita gwaro renyunyuto kuZec, VaChamisa vati havasi kuzobvuma kubiridzirwa musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru vachiti vachange vachizivisa zvinenge zvichibuda musarudzo musi uchaitwa sarudzo.

Vati vanoziva kuti vachakunda musarudzo idzi.

VaTendai Biti avo vanove mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party uye varivo mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, vakambosungwa muna 2008 mushure mekunge vazivisa zvakange zvabuda musarudzo izvo zvainzi nehurumende zvaiva kunze kwemutemo kuti vaite izvi.

VaChamisa vatiwo vakatsvaga vana mazvikokota vekuGermany vachaongorora mapepa achashandiswa mukuvhota.

Vaenderera mberi vachiti munyika munogona kuita kusagadzikana kana mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nebato ravo reZanu PF vakabirira pasarudzo vakati hapana sarudzo dzichaitwa munyika kana Zec isina kugadzirisa nhuna dzavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vaudza Studio7 kuti havaone Zec ichitsukunyuka panyaya iyi.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iy sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadai, VaChamisa vati kana Zec isina kusimudza musoro pamusoro penhuna dzavasvitsa kwairi vachashevedzera kuratidzira munyika yose uye kana kuratidzira uku kwatanga hapana achazenge achidzokera kumba kudzamara zvavari kuda zvaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG