Accessibility links

Breaking News

Thomas Mapfumo Otarisirwa muZimbabwe Nhasi


Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira zvikuru, Thomas Mukanya Mapfumo, ari kutarisirwa kupinda munyika neChitatu achibva kuOregon, Portland, muAmerica uko ari kugara.

Mapfumo ari kutarisirwawo kurova mabira emusambo wake weChimurenga munyika yose achitsigirwa nevaimbi vachiri kusimukira vakawanda kusanganisa Gary Tight naJeys Marabini.

Mutauriri waMapfumo, VaBlessing Vava vaudza Studio 7 kuti Mukanya ari kutanga aenda kumusha kwake kuGuruve asati aenda kunogadzirira bira rake rekutanga kuGweru nemusi weChishanu. Mabira aya ari kuitwa pasi pekukurudzira runyararo kana kuti Peace Tour.

Mapfumo ari kutarisirwawo kueda kunoridza kuBulawayo, Beitbridge, Masvingo, Mutare, Kadoma, Kariba ne Victoria Falls.

Mushure mekupedza makore ari muhupoteri muAmerica, Mapfumo akambodzoka muHarare muna Kubvumbi gore rapera akaridza kuCity Sports Centre umo makapinda zviuru nezviuru zvevanhu.

Hurukuro naVaBlessing Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG