Apo dare reConstitutional Court ratanga kunzwa kupikisa kwemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kwezvakabuda musarudzo, Studio 7 inotarisa zvakaitika kuti zvinhu zvisvike pazviri.
Kubvira pakatanga kukwikwidza bato rinopikisa reMDC musarudzo mugore ra2000 panogara pachiitwa makakatanwa ezvinobuda musarudzo asi aka ndekekutanga dare repamusoro-soro richigara kuti ritonge nyaya yakadai.
Mudzidzisi muzvidzidzo zverunyararo nebudiriro pachimwe chikoro chepamusoro soro munyika, VaDidmusa Dewa, vanoti nyika yasvika pachinhanho chayasvika nekuda kwenhoroondo yekusagutsikana kwevemapato anopikisa nemabatirwo anoitwa sarudzo munyika.
Mutungamiri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vatsigiri vavo pamwe nevamwewo vanhu vanoti kupikisa kuri kuita VaChamisa ndekwenhando vachiti vanofanirwa kutambira kukunda kwaVaMnangagwa.
Asi VaDewa vanoti kana pakatariswa zvinhu zvakasiyana-siyana, kusanganisira kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, pachayo yakatobvuma kuti yakakanganisa kuhwerengedza zvimwe zvakabuda musarudzo, zvinoreva kuti nyaya yaVaChamisa haizi yenhando.
Gweta uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kunyange hazvo mukupikisa kwavo VaChamisa vane zvikumbiro zvavakadoma zvinosanganisira kuti ivo vanzi ndivo vakakunda musarudzo, dare reConstitutional Court rine masimba ekuita kuti sarudzo dzitangwe patsva.
Mutauriri weMDC Alliance, VaWelshman Ncube, vanoti kunyange hazvo vasingagutsikane nemabatiro anoita Zec sarudzo uye kuratidza kwayo kurerekera divi rimwe chete, kana dare rikatura matongo wekuti sarudzo dziitwe zvekare, hapana chavangakwanise kuita kunze kwekutambira kuti iyo Zec pachayo iiitise sarudzo idzi.
Vanoti nekuda kwekuti nyika haisati yave neparamende pari zvino hapana mutemo ungakwanisa kudzikwa ungaita kuti Zec igadziridzwe mukati memwedzi miviri inenge ichifanirwa kuitwa sarudzo.
Asi VaMavhinga vanoti dare reConstitutional Court rine masimba ekuti iite kuti Zec iwongororwe zvakasimba pamafambisiro aichaita sarudzo kana zvikanzi dziitwe zvekare.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaLloyd Kuvheya, vanotiwo sachigaro kana mamwe makomishina eZec anogona kunzi vabve pazvinzvimbo zvavo mushure mekunge kwaita dare re tribunal rinenge raita ongororo inoratidza kuti vanhu ava havazi kuita mabasa avo nemazvo.
Dare reConstitutional Court ndiro dare repamusoro-soro kupfuura mamwe ose munyika zvichireva kuti zvinenge zvaturwa mudare iri hazvikwanise kupikiswa zvakare.
Zec yakati VaMnangagwa vakanga vakunda musarudzo mushure mekuwana zvikamu 50.8% zvemavhoti, ukuwo VaChamisa vachinzi vakanga vawana zvikamu 44.3%.
Asi pakapinda nyaya iyi mudare, Zec yakadzikisa zvikamu zvakawanikwa naVaMnangagwa kusvika pa50.59%, ukuwo VaChamisa vakanzi vakanga vawana zvikamu 44:39%.
Facebook Forum