Mutumbi wevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, waendeswa kumusha kwavo kwaZvimba uko wakatarisirwa kunoradzikwa mukupera kwesvondo.
Zvinonzi pamboita kukakavadzana pakati pemhuri yaVaMugabe nemapurisa kumba kwaVaMugabe kuBlue Roof muno muHarare uko kwanga kuine mutumbi kwemazuva akati kuti mushure mekunge mapurisa anga ave kurambidza mhuri yaVaMugabe kuti itakure mutumbi uyu.
Vane ruzivo nezvaitika kuBlue Roof vanoti mapurisa azosiya mhuri yaVaMugabe ichitakura mutumbi mushure mekunge mudzimai wemufi varamba vakatsika madziro vachiti semhuri vari kutevedzera zvido zvemufi.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa pane zvaiatika kuBlue Roof.
Mumwe mutori wenhau dzezvematongerwo enyika, Paidamoyo Muzulu, ati zvaitika kuBlue Roof zvinosiya paine mibvunzo yakawanda kuhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iyo iri kuda kuti VaMugabe varadzikwe kumarinda anovigwa magamba enyika kuHeroes Acre.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mupepeti webepanhau reThe Observer, VaBarnabas Thodlana, vati keuendeswa kwaitwa mutumbi waVaMugabe chinhu chinonyadzisa VaMnangagwa.
VaThondlana vatiwo kuendeswa kwaitwa mutumbi waVaMugabe kwaZvimba VaMnangagwa vari kumusangano weUnited Nations uri kuitirwa kuNew York kuAmerica kunoratidza kusawirirana kuripo pakati pemhuri yaVaMugabe naVaMnangagwa.
Mhuri yaVaMugabe yakambozivisa kuti mufi achavigwa mushure memazuva makumi matatu kuHeroes Acre mushure mekuvakwa kweguva remandorokwati kana kuti mausoleumuye mushure mekunge mhuri yekwaMugabe yazadzisa chivanhu chedzinza ravo. VaLeo Mugabe vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Pakamboenda mutumbi waVaMugabe kumusha kwavo kwaZvimba migwagwa inoenda kumakuva yakanga ichigadzirwa nezvigiredha ukuwo hurumende ichiita gadziriro yekuvaviga kuHeroes Acre.
Zvichakadai, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaburitsawo mashoko manheru ano ekuti hurumende yaVaMnangagwa inoremekedza danho ratorwa nemhuri yemufi yekuti VaMugabe vanovigwa kwaZvimba.
Vari kutaura vakamirira mhuri yemufi, VaLeo Mugabe, vati mutumbi wasekuru vavo ucharadzikwa kwaZvimba nemusi weMugovera.
VaMugabe vakafira kuchipatatra cheGleneagles kuSingapore musi wa6 Gunyana.
VaMnangwagwa vakazivisa kuti VaMugabe vakaendeswa kwamupfiganebwe nechirwere chegomarara.
Facebook Forum