Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yoita Kuti Zvimwe Zvirongwa Zvimiswe Munyika


Kudzanayi Bus Terminus4
Kudzanayi Bus Terminus4

Vanhu makumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi matatu nemumwe chete, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kutekeshera kuri kuramba kuchiita chirwere cheCovid 19 kwave kuita kuti zimwe zvirongwa zvakasiyana-siyana zvange zvichifanirwa kuitwa munyika,
zvimbosendekwa parutivi.

Mutauriri wekanzuru yeguta reGweru, Muzvare Vimbai Chingwaramuse, vati kanzuru yange yakatara zuva ranhasi sezuva richatanga kushanda nzvimbo yeKudzanayi Bus Terminus iyo yakavakwa patsva asi izvi zvambosendekwa parutivi nekuda kwekuvelo kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru wezvekufambiswa kweamabasa mukambani yeBen Touch iyo yakavaka nzvimbo iyi, VaDavid Kudakwashe, vaudza Studio 7 kuti vange vagadzirira kuti nzvimbo iyi itange kushanda sezvo vakapedza kuita basa rakawanda rakakosha pakuti nzvimbo iyi itange kushanda.

Vati kumbosendekwa parutivi kwekuvhurwa kwenzvimbo iyi kuchavapa
mukana wekunyatsokwenenzvera zvose zvinoda kupedziswa.

VaKudakwashe vati chikamu chekutanga chenzvimbo yemusika cheKudzanayi Bus Terminus chinokwana vanhu mazana mashanu nevatatu vanotengesa uye chikamu chechipiri icho vati vachatanga kuvaka munguva pfupi iri kutevera chichange chichikwana vanhu mazana matatu.

Zvichakadaro, hurumende nezuro yakazivisawo nezvekumbosendekwa
parutivi kweZimbabwe International Trade Fair kana kuti ZITF.

Gungano iri range richifanirwa kuitwa mwedzi uno asi rave kuzoitwa mwedzi unouya.

Mukuru mukuru weZITF, VaNicholas Ndebele, vaudza Studio 7 parunhare kuti ichokwadi kuti gungano iri rambosendekwa parutivi nekuda kwekutekeshera kwechirwere cheCovid-19.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi vari muongorori
akazvimirira, VaFelix Chari, vanoti kuparira kweCovid-19 kwave kuvhiringidza zvekare zvehupfumi nemararamiro everuzhinji zuva nezuva sezvakaitika pachakatanga kuvepo.

VaVincent Chakunda avo vanodzidzisawo zvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi nebudiriro vanoti pane kuti hurumende irambe ichitora matanho ekuvhara nyika senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19, zvakakosha kuti pave nemafungiro matsva.

Vachitaura pazviitiko zvakasiyana mumazuva mashoma apfuura mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vakati zvakakosha kuti vanhu munyika vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 vachiti vashandi
vehurumende kunyanya, vanogona kumanikidzwa kuti vabaiwe nhomba iyi.

Vakambove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti kunyange
hazvo zvakakosha kuti vanhu munyika vabaiwe nhomba, hazvizi pamutemo kumanikidza vanhu kuita izvi.

Zvakabudiswa nehurumende nezuro zvinoratidza kuti vanhu chiuru
nemazana matatu nemakumi matatu nemumwe vakabatwa nechirwere cheCovid munyika mose.

Kusvika nezuro pane vanhu zviuru makumi mana nezvipfumbabwe
nemazana masere nemakumi matanhatu nevana, 49, 864, vakabatwa nechirwere ichi munyika kusvika, uye vanhu chiuru nemazana manomwe nemakumi masere nevapfumbabwe kana kuti 1789 vafa munyika mose.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nezvinomwe nezana nemakumi mashanu nemumwe, 777,151, uye vabaiwa nhomba yepiri vava zvuru mazana mashanu nemakumi mashanu nezvishanu nemazana maviri nemakumi manomwe nevanomwe, 555,277.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matatnhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kuparararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG